1
1 VaKorinde 8:6
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 VaKorinde 8:1-2
Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka. Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva.
3
1 VaKorinde 8:13
Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa.
4
1 VaKorinde 8:9
Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo