I ƲaKorinte 14
14
Cipo cokuprofita cakanaka kupfuʋura cipo cendimi.
1Teʋerai ruɗo; shiŋgairirai ɀipo ɀoMŋeya, asi ɀikuru kuti muprofite. 2Nokuti unotaura norumŋe rurimi haatauri kuʋanhu, asi kunaMŋari; nokuti hakuna‐unomunzwa; asi noMŋeya unotaura ɀakaʋanzika. 3Asi unoprofita, unotaura kuʋanhu, kuti ʋasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa. 4Unotaura norurimi, unoɀisimbisa iye; asi unoprofita, unosimbisa kereke. 5Ɀino ndinoɗa kuti imi mose mutaure nendimi, asi ɀikuru kuti muprofite; unoprofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana aciɗudzira, kuti kereke isimbiswe. 6Asi ɀino, hama dzaŋgu, kana ndiciʋuya kwamuri, ndicitaura nendimi, ndiŋgakuɓatsirai neiko, kana ndisiŋgatauri nokuzarurirwa, kana nokuziʋa, kana nokuprofita, kana nokudzidzisa? 7Kunyaŋge ɀinhu ɀisinoʋupenyu, ɀinorira — kana iri nyere, kana ruɗimbga — kana ɀisiŋgasiyani pakurira kwaɀo, ɀiŋgazikanwa seiko cinoridzwa nenyere kana noruɗimbga? 8Nokuti kana hwamanda isiŋgariri kwaɀo, ndianiko uŋgaɀigadzira kundorwa? 9Ɀakaɗaro ʋo nemi, kana musiŋgatauri norurimi mashoko anonatso‐zikanwa, ɀinotaurwa ɀicazikanwa seiko? Nokuti mucaŋgotaura henyu mumhepo. 10Manzwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakunecinhu cisinenzwi raco. 11Ɀino kana ndisiŋgaziʋi kuti inzwi rinoreʋei, ini ndicaʋa somunhu worumŋe rurimi kunounotaura, nounotaura ucaʋa kwandiri somunhu worumŋe rurimi. 12Saiɀoɀo ʋo imi, ɀamunoshiŋgairira ɀinhu ɀoMŋeya, tȿakai ɀikuru kuti musimbise kereke. 13Saka unotaura norumŋe rurimi, ŋgaanyeŋgetere kuti aɗudzire ʋo. 14Nokuti kana ndicinyeŋgetera norumŋe rurimi, mŋeya waŋgu unonyeŋgetera, asi kufuŋga kwaŋgu kunoshaiwa ɀiɓereko. 15Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo. 16Kana ɀisakaɗaro, kana iwe uciʋoŋga nomŋeya, ko uyo ugere pacigaro caʋasina‐kudzidza, ucati Ameni seiko pakuʋoŋga kwako, ɀaasiŋgaziʋi caunotaura iwe? 17Nokuti iwe unoʋoŋga hako ɀakanaka, asi mumŋe haasimbiswi. 18Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; 19asi pakereke ndinoɗa ɀikuru kutaura mashoko mashanu nokufuŋga kwaŋgu, kuti ndidzidzise ʋamŋe ʋo, pakutaura norumŋe rurimi mashoko aneɀuru ɀinegumi.
20Hama dzaŋgu, musaʋa ʋana pakuziʋa, asi muʋe ʋacece paɀakaipa, asi pakuziʋa muʋe ʋakuru. 21pamurairo pakanyorwa, paciti: Ndicataura kuʋanhu aʋa, ndicireʋa naʋanhu ʋedzimŋe ndimi nemimŋe miromo; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋaŋganditereri — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. 22Saka ndimi hadzizi ciratidzo kunaʋanotenda, asi kunaʋasiŋgatendi; nokuprofita hakuzi kunaʋasiŋgatendi, asi kunaʋanotenda. 23Naiɀoɀo, kana kereke yose yaʋuŋgana, ʋose ʋakataura nendimi, ʋasina‐kudzidza kana ʋasina‐kutenda ʋakapinda, haʋati munopeŋga here? 24Asi kana ʋose ʋakaprofita, mumŋe usiŋgatendi kana usina‐kudzidza akapinda, ucatendiswa naʋose, ucatoŋgwa naʋose; 25ɀakaʋanzika ɀomŋoyo wake ɀinoratidzwa; naiɀoɀo ucawira pasi neciso cake, acinamata Ishe, nokupupura kuti Mŋari uri pakati penyu ɀirokwaɀo.
Ɀose ŋgaɀiitwe nomutoʋo wakanaka mukereke.
26Ɀino ticatiyiko, hama dzaŋgu? Kana muciʋuŋgana, mumŋe nomumŋe unepisarema, unecokudzidzisa, unecakamuzarurirwa, unorumŋe rurimi, unecokuɗudzira. Ŋgaɀiitwe ɀose, kuti musimbiswe. 27Kana mumŋe acitaura norurimi, ŋgaɀiitwe naʋaʋiri, kana ʋarege kupfuʋura ʋatatu, ʋaciraʋana; nomumŋe ŋgaaɗudzire. 28Asi kana pasina‐unoɗudzira, ŋgaanyarare mukereke; ŋgaaɀitaurire iye, nokunaMŋari. 29Ʋaprofita ŋgaʋataure ʋaʋiri, kana ʋatatu, naʋamŋe ŋgaʋaidze. 30Ɀino kana cimŋe cinhu cikazarurirwa mumŋe ugere’po, wokutaŋga ŋgaanyarare. 31Nokuti muŋgaprofita mose, muciita mumŋe‐mumŋe, kuti ʋose ʋadzidze, ʋose ʋanyaradzwe. 32Mŋeya yaʋaprofita inoɀiisa pasi paʋaprofita; 33nokuti Mŋari haazi Mŋari wenyoŋganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzaʋatȿene.
34Ʋakadzi ŋgaʋanyarare pakereke; nokuti haʋatenderwi kutaura; asi ŋgaʋaɀiise pasi, seɀinoreʋa ʋo murairo. 35Kana ʋaciɗa kudzidza cinhu, ŋgaʋabvunze ʋarume ʋaʋo kumusha; nokuti haɀifaniri kuti mukadzi ataure mukereke. 36Ko shoko raMŋari rakabva kwamuri here? Kana rakaȿika kwamuri moga here?
37Kana munhu aciti, ndiri muprofita, kana ndiri womŋeya, ŋgaatende kuti iɀo ɀandinokunyorerai, murairo waShe. 38Asi kana munhu asiŋgaziʋi, ngaaʋe usiŋgaziʋi hake.
39Saka, hama dzaŋgu, shiŋgairirai kuprofita, musiŋgadziʋisi mumŋe kutaura nendimi. 40Asi ɀinhu ɀose ŋgaɀiitwe nomutoʋo wakafanira ɀinemirairo yaɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: