I ƲaKorinte 7
7
Waniso.
1Ɀino kana ɀiri ɀamakandinyorera, ndinoti: Ɀakanaka kuti munhu arege kuɓata mukadzi. 2Asi nokuɗa kwoʋupombge, murume mumŋe nomumŋe ŋgaaʋe nomukadzi wake, nomukadzi mumŋe nomumŋe ŋgaaʋe nomurume wake. 3Murume ŋgaape mukadzi ɀakafanira; nomukadzi ŋgaaɗaro ʋo kumurume. 4Mukadzi haanesimba pamsoro pomuʋiri wake, asi murume; saiɀoɀo ʋo murume haanesimba pamsoro pomuʋiri wake, asi mukadzi. 5Musanyimana, asi muciita ŋguʋa ɗuku, mambotenderana, kuti muʋe neŋguʋa yokunyeŋgetera, ndokusoŋgana ɀe, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuɀidzora. 6Asi ndinotaura iɀi, ndicikutenderai, ndisiŋgarairi. 7Nokuti ndinoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaʋe seni. Asi munhu mumŋe nomumŋe unecipiwa cake, cinobva kunaMŋari, mumŋe corudzi urwu, mumŋe corumŋe rudzi.
8Asi ndinoti kunaʋasina‐kuwana, nokucirikadzi: Ɀakanaka kuti ʋagare seni. 9Asi kana ʋasiŋgagoni kuɀidzora, ŋgaʋawane; nokuti ɀirinani kuti ʋawane pakutȿa. 10Ɀino ʋakawana ndinoʋaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake, 11(kana acibva, ŋgaagare asiŋgawanikwi, kana ayanane nomurume wake); nomurume ŋgaarege kurasha mukadzi wake. 12Ɀino kunaʋamŋe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi usiŋgatendi, kana iye aciɗa hake kugara naye, ŋgaarege kumurasha. 13Nomukadzi unomurume usiŋgatendi, kana iye aciɗa hake kugara naye, ŋgaarege kurasha murume wake, 14nokuti murume usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomukadzi wake, nomukadzi usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomurume; kana ɀisina‐kuɗaro, ʋana ʋenyu ʋaiʋa netȿina; asi ɀino ʋatȿene. 15Ɀino kana usiŋgatendi acienda, ŋgaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisuŋgwi neɀakaɗaro; asi Mŋari wakakuɗanai kuti muʋe norugare. 16Nokuti iwe mukadzi unoziʋa seiko kuti ucaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziʋa seiko kuti ucaponesa mukadzi wako? 17Asi, mumŋe nomumŋe seɀaakagoʋerwa naShe, mumŋe nomumŋe seɀaakaɗanwa naMŋari, ŋgaafambe saiɀoɀo. Ndiɀo ɀandinoraira pakereke dzose. 18Kana mumŋe aciŋge akaɗanwa akadziŋgiswa, ŋgaarege kuitwa usakadziŋgiswa; kana mumŋe aciŋge akaɗanwa asakadziŋgiswa, ŋgaarege kudziŋgiswa. 19Kudziŋgiswa hacizi cinhu, nokusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi kuceŋgeta mirairo yaMŋari. 20Mumŋe nomumŋe ŋgaagare pakuɗanwa kwaakaɗanwa nako. 21Wakaɗanwa uri muranda here? Usaɀidya mŋoyo; asi kana uŋgasunuŋgurwa, ɀirinani kuti uɗaro hako. 22Nokuti wakaɗanwa munaShe, ari muranda, waʋa musunuŋgurwa waShe; saiɀoɀo ʋo, wakaɗanwa akasunuŋguka, waʋa muranda waKristu. 23Makateŋgwa nomuteŋgo; regai kuʋa ʋaranda ʋaʋanhu. 24Hama dzaŋgu, mumŋe nomumŋe ŋgaagare pamberi paMŋari ipapo paakaɗanwa napo.
25Ɀino, pamsoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ŋgoni naShe kuti aʋe wakatendeka. 26Naiɀoɀo ndinoti nokuɗa kwenhamo ino, ɀakanaka kuti munhu agare akaɗaro. 27Wakaɓatanidzwa nomukadzi here? Usatȿaka kusunuŋgurwa. Wakasunuŋgurwa pamukadzi here? Usatȿaka mukadzi. 28Ɀino kana wawana, hauna‐kutadza; nemhandara kana yawanikwa, hainakutadza. Asi ʋakaɗaro ʋacaʋa neɗambudziko panyama; asi ini ndinoɗa kukutaʋirai. 29Ɀino ndinoɀitaura iɀi, hama dzaŋgu, nokuti ŋguʋa ifupi; kuti kubva ɀino ʋanaʋakadzi ʋaʋe saʋasina; 30naʋanocema ʋaʋe saʋasiŋgacemi; naʋanofara saʋasiŋgafari; naʋanoteŋga saʋasinecinhu; 31naʋanoɓata neɀenyika, saʋasiŋgaɓatisisi naɀo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuʋura. 32Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. 33Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. 34Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei. 35Iɀi ndinotaura kuti muɓatsirwe imi; ndisiŋgaɗi kukusuŋgai nomusuŋgo, asi nokuɗa kweɀakafanira, ʋuye kuti munamatire Ishe, musiŋgakaŋganiswi. 36Asi kana mumŋe acifuŋga kuti haaitiri mukunda wake, yaʋa mhandara, ɀakafanira, iye ɀaatokura kwaɀo hake, kana ɀirinani kuti ɀiitwe, ŋgaaite nokuɗa kwake, haatadzi; ŋgaʋawaniswe haʋo. 37Asi uyo unomira akasimba pamŋoyo pake, asiŋgamanikidzwi necinhu, asi anesimba pamsoro pokuɗa kwake, akatema mumŋoyo make cinhu ici, kuti ucaceŋgeta mhandara yake, iye unoita ɀakanaka. 38Naiɀoɀo, unomuwanisa unoita ɀakanaka; nousiŋgamuwanisi, unoita ɀinopfuʋura nokunaka. 39Mukadzi wakasuŋgwa nomurairo murume wake aciri mupenyu; ɀino kana murume wake afa, wasunuŋguka, kuti awanikwe nowaanoɗa; asi ŋgaɀiitwe munaShe. 40Asi uŋganyanya kufara kana acigara akaɗaro, pakufuŋga kwaŋgu ini; ɀino ndinoti neni ʋo ndinoMŋeya waMŋari.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: