I Johane 1
1
Ʋupenyu bguri munaJesu Kristu.
1Iɀo ɀakaŋga ɀiri’po kubva pakutaŋga, ɀatakanzwa, ɀatakaʋona nameso eɗu, ɀatakatarira, neɀatakaɓata namaʋoko eɗu, ɀeShoko roʋupenyu — 2(ʋupenyu bgakaratidzwa, tikabguʋona, tinopupura nokukuparidzirai ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgakaŋga bguri kunaƂaɓa, bgukaratidzwa kwatiri): 3Iɀo ɀatakaʋona, neɀatakanzwa, ndiɀo ɀatinokuparidzirai ʋo, kuti nemi ʋo muyanane nesu; kuyanana kweɗu tinako naƂaɓa, noMŋanakomana wake Jesu Kristu. 4Ɀinhu iɀi tinokunyorerai, kuti mufaro weɗu uzadziswe.
Fambai muciedza, mureʋurure ɀiʋi ɀenyu.
5Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai ʋo, kuti Mŋari ciedza, hamunerima maari. 6Kana ticiti, tinoyanana naye, ticifamba murima, tinoreʋa nhema, hatiiti ɀokwaɗi; 7asi kana ticifamba muciedza, saiye ari paciedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mŋanakomana wake, rinotinatsa paɀiʋi ɀose. 8Kana ticiti, hatineɀiʋi, tinoɀinyeŋgera, ɀokwaɗi haizi matiri. 9Kana ticiɀireʋurura ɀiʋi ɀeɗu, iye wakatendeka wakarurama, nokuɗaro kuti unotikaŋganwira ɀiʋi ɀeɗu, nokutinatsa pakusakarurama kwose. 10Kana ticiti, hatina‐kutadza, tinomuita mureʋi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Zvasarudzwa nguva ino
I Johane 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: