Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Johane 2

2
1Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama; 2ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi weɀiʋi ɀenyika yose ʋo. 3Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. 4Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; 5asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; 6uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye.
Murairo woruɗo.
7Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. 8Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera. 9Uyo, unoti, ndiri muciedza, aciʋeŋga hama yake, uciri murima kuȿikira ɀino. 10Unoɗa hama yake, unogara muciedza, hapanecigumbuso maari. 11Asi unoʋeŋga hama yake, uri murima, unofamba murima haaziʋi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
Musaɗa nyika.
12Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake. 13Ndinokunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti munoziʋa Ƃaɓa. 14Ndakunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMŋari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. 15Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. 16Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika. 17Nyika inopfuʋura nokuciʋa kwayo; asi unoita kuɗa kwaMŋari, unogara nokusiŋgaperi.
Antikristu nokuʋuya kwaShe.
18Ʋanana, iŋguʋa yokupedzisira; seɀamakanzwa kuti antikristu unoʋuya, naɀino ʋanaantikristu ʋazhinji ʋaʋa’po; ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti yaʋa ŋguʋa yokupedzisira. 19Ʋakabva kwatiri, asi ʋakaŋga ʋasati ʋari ʋeɗu, nokuti ɗai ʋaiʋa ʋeɗu, ʋaŋgaɗai ʋaigara nesu; asi ʋakabʋa kuti ʋaʋonekwe kuti ʋose haʋazi ʋeɗu. 20Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutȿene, munoziʋa mose. 21Handina‐kukunyorerai ndiciti hamuziʋi ɀokwaɗi, asi nokuti munoiziʋa, ʋuye nokuti hakunenhema dziŋgabva paɀokwaɗi. 22Ndianiko mureʋi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Ƃaɓa noMŋanakomana. 23Aninani unoramba Mŋanakomana, naiye haanaƂaɓa ʋo. 24Kana muri’mi, iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga, ŋgaɀigare mamuri. Kana iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga ɀicigara mamuri, nemi ʋo mucagara muMŋanakomana, nomunaƂaɓa. 25Ndicoci cipikirwa caakatipikira, ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. 26Ɀinhu iɀi ndakakunyorerai pamsoro paʋanokutsausai. 27Kana muri’mi, kuzodzwa kwamakagamucira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, seɀakunokudzidzisai pamsoro peɀinhu ɀose, kuri kwaɀokwaɗi, dzisati dziri nhema, seɀakwakakudzidzisai, garai maari. 28Ɀino, ʋana ʋaɗuku, garai maari, kuti, kana acizoʋoneswa, tiʋe nokusatya, tirege kunyadziswa ʋo pamberi pake pakuʋuya kwake. 29Kana muciziʋa kuti iye wakarurama, ziʋai ʋo kuti mumŋe nomumŋe unoita ɀakarurama wakaɓerekwa naye.

Zvasarudzwa nguva ino

I Johane 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda