Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Johane 3

3
Ʋana ʋaMŋari.
1Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye. 2Ʋaɗikanwa, ɀino tiri ʋana ʋaMŋari, ʋuye ɀicigere kuratidzwa kuti ticazoʋei. Tinoziʋa kuti kana acizoʋoneswa, isu ticafanana naye; nokuti ticamuʋona seɀaakaita. 3Mumŋe nomumŋe unetariro iyi kwaari, unoɀicenesa seɀaakacena iye. 4Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, unoɗarika nomurairo ʋo; ɀiʋi ndiko kuɗarika murairo. 5Munoziʋa kuti iye wakaʋoneswa kuti abvise ɀiʋi; maari hamuneɀiʋi. 6Mumŋe nomumŋe unogara maari, haaiti ɀiʋi; mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, haanakumuʋona kana kumuziʋa. 7Ʋana ʋaɗuku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita ɀakarurama, wakarurama, saiye akarurama. 8Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi. 9Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari. 10Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake. 11Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutaŋga, kuti tiɗane; 12tisiŋgaiti saKaini, wakaŋga ari wowakaipa, akaʋuraya munuŋuna wake. Wakamuʋurayireiko? Nokuti maɓasa ake akaŋga akaipa, asi omunuŋuna wake akaŋga akarurama.
13Musashamiswa, hama dzaŋgu, kana nyika icikuʋeŋgai. 14Tinoziʋa kuti takabva murufu, tapinda muʋupenyu, nokuti tinoɗa hama. Uyo, usiŋgaɗi, unogara murufu. 15Mumŋe nomumŋe unoʋeŋga hama yake, muʋurayi; munoziʋa kuti hakunomuʋurayi unoʋupenyu bgusiŋgaperi bgugere maari. 16Ndoɀatinoziʋa ruɗo naɀo, kuti wakatipa ʋupenyu bgake; nesu ʋo tinofanira kupa hama ʋupenyu bgeɗu. 17Asi kana munhu anefuma yenyika, akaʋona hama yake icishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, ruɗo rwaMŋari runogara seiko maari? 18Ʋana ʋaɗuku, ŋgatirege kuɗa neshoko kana norurimi, asi neɓasa neɀokwaɗi. 19Ndoɀaticaziʋa naɀo kuti tiri ʋeɀokwaɗi, tigosimbisa mŋoyo yeɗu pamberi pake; 20nokuti kana mŋoyo yeɗu icitipa mhaka, Mŋari mukuru kumŋoyo yeɗu, unoziʋa ɀose. 21Ʋaɗikanwa, kana mŋoyo usiŋgatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMŋari; 22ʋuye ɀose ɀatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinoceŋgeta mirairo yake, ticiita ɀinomufadza. 23Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMŋanakomana wake, Jesu Kristu, ʋuye tiɗane, seɀaakatiraira. 24Unoceŋgeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti unogara matiri, noMŋeya waakatipa.

Zvasarudzwa nguva ino

I Johane 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda