I Samueri 3
3
Jehova unoɀiratidza kunaSamueri.
1Ɀino mŋana Samueri waiɓatira Jehova pamberi paEri. Asi shoko raJehova rakaŋga ricinzwika kashoma pamazuʋa iwayo; Jehova wakaŋga asiŋgaɀiratidzi pacena. 2Ɀino neŋguʋa iyo Eri wakati aʋata pasi panɀimbo yake, (meso ake ɀino akaŋga oʋonera madzerere, asiŋgagoni kuʋona kwaɀo,) 3mŋenje waMŋari usati wadzimŋa, naSamueri akaŋga aʋata pasi patembere yaJehova, pakaŋga paneareka yaMŋari; 4Jehova akaɗana Samueri. Iye akati: Ndiri pano haŋgu. 5Akamhanyira kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Eri akati: Handina‐kukuɗana, ciʋata hako ɀe. Iye akandoʋata ɀe. 6Ipapo Jehova akapamha ɀe kuɗana, akati: Samueri! Samueri akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Akapindura, akati: Handina‐kukuɗana, mŋana waŋgu; ciʋata hako ɀe. 7Asi Samueri wakaŋga acigere kuziʋa Jehova, ʋuye shoko raJehova rakaŋga ricigere kumuziʋiswa. 8Ɀino Jehova akapamha ɀe kuɗana Samueri rwecitatu. Iye akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Ipapo Eri akaziʋa kuti ndiJehova wakaɗana mŋana. 9Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake. 10Ipapo Jehova akaʋuya, akamira, akaɗana sapaŋguʋa dzimŋe dzokutaŋga, akati: Samueri, Samueri! Samueri akati: Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa. 11Jehova akati kunaSamueri: Tarira, ndicaita cinhu pakati paIsraeri, nzeʋe dzomumŋe nomumŋe unocinzwa dzicawuŋga. 12Nomusi uyo ndicaitira Eri ɀose ɀandakataura pamsoro peimba yake, kubva pakutaŋga kuȿikira pakupedzisira. 13Nokuti ndakamuʋudza kuti ndicatoŋgesa imba yake nokusiŋgaperi pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga aciziʋa hake; nokuti ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋaciɀigadzirira kutukwa, asi iye haana‐kuʋadziʋisa. 14Saka ndakapika pamsoro peimba yaEri, kuti ɀakaipa ɀeimba yaEri haɀiŋgayananiswi neɀiɓayiro kana neɀipiriso nokusiŋgaperi. 15Ɀino Samueri akaʋata kuȿikira maŋgwana, akazarura mikoʋa yeimba yaJehova. Asi Samueri wakatya kuziʋisa Eri ɀaakaŋga aratidzwa. 16Ɀino Eri akaɗana Samueri, akati: Samueri, mŋana waŋgu. Iye akati: Ndiri pano haŋgu. 17Akati: Cinyiko cawakaʋudzwa naJehova? Usandiʋanzira hako cinhu ico; Mŋari ŋgaakuroʋe, arambe aciɗaro, kana ukandiʋanzira cinhu cimŋe paɀinhu ɀose ɀaakakuʋudza. 18Ipapo Samueri akamurondedzera ɀose‐ɀose, haana‐kumuʋanzira cinhu cimŋe. Eri akati: NdiJehova, ŋgaaite hake seɀaanoɗa. 19Samueri akakura; Jehova akaʋa naye, haana‐kutendera kuti rimŋe ramashoko ake riwire pasi. 20ƲaIsraeri ʋose, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋakaziʋa kuti Samueri wakaŋga asimbiswa kuʋa muprofita waJehova. 21Ɀino Jehova akaɀiratidza ɀe paShiro, nokuti Jehova wakaɀiratidza kunaSamueri paShiro neshoko raJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
I Samueri 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: