Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 6

6
Areka inodzoswa kuʋaIsraeri.
1Ɀino areka yaJehova yakagara munyika yaʋaFiristia mŋedzi minomŋe. 2ƲaFiristia ʋakaɗana ʋaprista naʋaʋuki, ʋakati: Ticaita seiko neareka yaJehova? Tiziʋisei mutoʋo watiŋgaidzosera nawo kunɀimbo yayo. 3Ʋakati: Kana mucidzosera areka yaMŋari waIsraeri, musaituma isinecinhu; asi munofanira kumutumira cipiriso cemhoȿa; ipapo mucapora, mugoziʋa kuti ruʋoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri. 4Ɀino ʋakati: Cipiriso cemhoȿa catinofanira kumuripira naco ndeceiko? Ʋakati: Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, ɀakaenzana namadzishe aʋaFiristia; nokuti makaŋga marobga neɗambudziko rimŋe, imi mose namadzishe enyu. 5Naiɀoɀo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mŋari waIsraeri; ɀimŋe ucarerusa ruʋoko rwake pamsoro penyu, napamsoro paʋamŋari ʋenyu, napamsoro penyika yenyu. 6Mucawomesereiko mŋoyo yenyu, seɀakaita ʋaEgipita naFarao ʋakawomesa mŋoyo yaʋo? Ŋguʋa yaakaita ɀishamiso pakati paʋo, haʋana‐kurega ʋanhu here, ʋakaenda? 7Naiɀoɀo ɀino torai mugadzire ŋgoro itȿa, nemhou mbiri dzinomŋisa dzisinakumboiswa joko, musuŋge mhou paŋgoro, asi muraʋurire mhuru dzadzo kumusha; 8ɀino mutore areka yaJehova, mugoiisa paŋgoro; neɀishoŋgo ɀendarama, ɀamunomuripira naɀo kuti ciʋe cipiriso cemhoȿa, muɀiise mubokisi parutiʋi rwayo, mugoituma iende. 9Ɀino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBeti‐shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isiŋgaɗaro, ticaziʋa kuti haruzi ruʋoko rwake rwakatiroʋa, cinhu haco catiwira. 10Ɀino ʋarume ʋakaita saiɀoɀo; ʋakatora mhou mbiri dzakaŋga dzicimŋisa, ʋakadzisuŋga paŋgoro, ʋakapfigira mhuru dzadzo kumusha; 11ʋakaisa areka yaJehova pamsoro peŋgoro, nebokisi rakaŋga rinamakonzo endarama, nemifananidzo yamamota aʋo. 12Ɀino mhou dzikarurama nenzira inoenda Beti‐shemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dziciŋgokuma; hadzina‐kutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe; madzishe aʋaFiristia akadziteʋera kuȿikira kumuganho weBeti‐shemeshi. 13Ɀino ʋanhu ʋeBeti‐shemeshi ʋakaŋga ʋaciceka ɀiyo ɀaʋo pamupata, ʋakatarira, ʋakaʋona areka, ʋakafara ʋaciiʋona. 14Ŋgoro ikaȿika pamunda waJoshua muBeti‐shemeshi, ikamira pakaŋga panebge guru; ipapo ʋakapamura matanda eŋgoro, ʋakaɓayira mhou ʋakadziita cipiriso cinopisirwa Jehova. 15Ɀino ʋaRevi ʋakaɓurusa areka yaJehova, nebokisi rakaŋga riri pairi, makaŋga muneɀishoŋgo ɀendarama, ʋakaɀiisa pabge guru, ʋarume ʋeBeti‐shemeshi ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa ʋakaɓayira Jehova ɀiɓayiro nomusi uyo. 16Ɀino madzishe mashanu aʋaFiristia akati aʋona iɀoɀo, akadzokera Ekroni nomusi iwoyo.
17Ɀino ndiwo mamota endarama akaripxa namadzishe aʋaFiristia, kuti ciʋe cipiriso cemhoȿa kunaJehova; rimŋe raiʋa reAshdodi, rimŋe reGaza, rimŋe reAshkeroni, rimŋe reGati, rimŋe reEkroni; 18namakonzo endarama akaŋga akaenzana namaguta ose aʋaFiristia, akaŋga ari amadzishe mashanu, aiʋa maguta akapoteredzwa namaȿiŋgo nemisha miɗuku yokuruwa. Ʋuye ibge guru raʋakagadzika areka yaJehova pamsoro paro, rici’po pamunda waJoshua muBeti‐shemeshi kuȿikira nhasi. 19Ɀino Jehova akaʋuraya ʋamŋe ʋaʋarume ʋeBeti‐shemeshi, nokuti ʋakaŋga ʋatarira mukati meareka yaJehova; akaʋuraya ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi mashanu namakumi manomŋe pakati paʋanhu aʋo; ʋanhu ʋakacema, nokuti Jehova wakaŋga aʋuraya ʋanhu nokuʋuraya kukuru. 20Ɀino ʋarume ʋeBeti‐shemeshi ʋakati: Ndianiko unogona kumira pamberi paJehova, Mŋari uyu Mutȿene? Ucakwira kunani, kana acibva kwatiri? 21Ipapo ʋakatuma nhume kunaʋakaŋga ʋagere Kiriati‐jearimi, ʋakati: ƲaFiristia ʋadzosa areka yaJehova; ɓurukai imi, muzoiisa kwenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda