Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaTesaronika 2

2
Pauro unoʋayeʋudzira kuti wakaɓata sei pakati paʋo.
1Nokuti nemi, hama dzaŋgu, munoziʋa kuti kupinda kweɗu kwamuri hakuna‐kuʋa pasina. 2Asi takati tatambudzika nokuitirwa ɀakaipa paFiripi, seɀamunoziʋa, takatsuŋga munaMŋari weɗu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari pakati pokudziʋiswa kukuru. 3Nokuti kuraira kweɗu hakuna‐kubva pakurashika, kana pakufuŋga kwakaipa, kana pakunyeŋgera; 4asi seɀatakatendiwa naMŋari, kuti tipiwe Evaŋgeri, ndiɀo ɀatinotaura; tisiŋgaiti kuti tifadze ʋanhu, asi Mŋari unoidza mŋoyo yeɗu. 5Nokuti, seɀamunoziʋa, hatina‐kutoŋgoreʋa namashoko okuɓata kumeso, kana namano‐mano okukarira fuma, Mŋari capupu; 6tisiŋgatȿaki kukudzwa naʋanhu kana nemi, kana naʋamŋe, kunyaŋge taigona kukuremedzai, ɀatiri ʋaapostora ʋaKristu. 7Asi takaŋga tiri ʋanyoro pakati penyu, somureri kana aciʋaraidza ʋana ʋake; 8saiɀoɀo takakushuʋai kwaɀo, tikati ɀakanaka kuti tirege kugoʋana nemi Evaŋgeri yaMŋari ɓedzi, asi kunyaŋge nemŋeya yeɗu ʋo, nokuti makaŋga maɗikanwa nesu kwaɀo. 9Nokuti, hama dzaŋgu, munoraŋgarira kutambudzika nokurwa kweɗu; taiɓata ʋusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari. 10Imi muri ɀapupu, naMŋari ʋo, kuti taifamba noʋutȿene nokururama, tisina‐catiŋgapomerwa kwamuri, imi ʋanotenda. 11Seɀamunoziʋa kuti takaita nemi, mumŋe nomumŋe wenyu, saɓaɓa ʋanoita naʋana ʋaʋo, 12ticikurairai, ticikusimbisai, ticikupupurirai, kuti mufambe ɀakafanira Mŋari, iye unokuɗanirai kuʋushe bgake nokubginya kwake.
13Saka isu ʋo tinoramba ticiʋoŋga Mŋari, kuti paŋguʋa yamakagamucira shoko, iro shoko raMŋari, ramakanzwa kwatiri, hamuna‐kurigamucira seshoko raʋanhu, asi seshoko raMŋari, (riri iro ɀirokwaɀo) rinoɓata ʋo mukati menyu, imi munotenda. 14Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaʋa ʋateʋeri ʋekereke dzaMŋari dziri muJudea munaKristu Jesu; nokuti nemi ʋo makatambudzwa saiɀoɀo noʋokwenyu, seɀaʋakatambudzwa iʋo naʋaJuda. 15Ndiʋo ʋakaʋuraya Ishe Jesu naʋaprofita, ʋakatidziŋga isu, ʋasiŋgafadzi Mŋari, ʋacirwa naʋanhu ʋose; 16ʋanotidziʋisa kuti tirege kuparidzira ʋahedeni, kuti ʋaponeswe; kuti ʋarambe ʋacizadzisa ɀiʋi ɀaʋo; asi kutsamŋa kwakaɓurukira pamsoro paʋo kuȿikira pakuguma.
Pauro unoɗa ɀikuru kuʋona ʋaTesaronika ɀe.
17Ɀino isu, hama dzaŋgu, ɀatakaparadzaniswa nemi ciŋguʋa ciɗuku pamuʋiri, pasati pari pamŋoyo, takashiŋgairira ɀikuru nokushuʋa kukuru kuti tiʋonane nemi paciso; 18naiɀoɀo taiɗa kuʋuya kwamuri, ini Pauro, kamŋe ʋuye ɀe rwecipiri, asi Satani wakatidziʋisa. 19Nokuti tariro yeɗu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuɀirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe weɗu Jesu pakuʋuya kwake? 20Nokuti imi muri kubginya kweɗu nomufaro weɗu.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaTesaronika 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda