Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaTesaronika 5

5
1Asi kana dziri ŋguʋa nemisi, hama dzaŋgu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe cinhu; 2nokuti imi mumene munoziʋa kwaɀo, kuti zuʋa raShe rinoȿika sembava ʋusiku. 3Kana ʋaciti, Rugare, nokugarika — ipapo kuparadzwa kucakurumidza kuʋawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; haʋaŋgatoŋgopukunyuki. 4Asi imi, hama dzaŋgu, hamuzi murima, kuti zuʋa iro rikuɓatei sembava. 5Nokuti imi mose muri ʋana ʋeciedza, naʋana ʋamasikati; hatizi ʋoʋusiku, kana ʋerima. 6Naiɀoɀo ŋgatirege kuʋata saʋamŋe, asi tirinde, tiȿinuke. 7Nokuti ʋanoʋata, ʋanoʋata ʋusiku; ʋanoɓatwa neɗoro, ʋanoɓatwa ʋusiku. 8Asi isu, ɀatiri ʋamasikati, ŋgatiȿinuke, takapfeka cidzitiro cecifuʋa cokutenda noruɗo; neŋgowani iʋe tariro yoruponeso. 9Nokuti Mŋari haana‐kutiisira kutsamŋa, asi kuti tiwane ruponeso naShe weɗu Jesu Kristu; 10wakatifira isu, kuti, kana ticirinda, kana ticiʋata, tirarame pamŋe cete naye. 11Saka nyaradzanai, musimbisane, seɀamunoita ʋo.
Kunyeʋera kwokupedzisira nokuwonekana.
12Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muziʋe aʋo ʋanoɓata pakati penyu, ʋanokutuŋgamirirai munaShe, ʋanokurairai; 13muʋakudze ɀikuru noruɗo, nokuɗa kweɓasa raʋo. Iʋai norugare pakati penyu. 14Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose. 15Cenjerai kuti mumŋe arege kutsiʋa mumŋe ɀakaipa neɀakaipa; asi ŋguʋa dzose muteʋere ɀinhu ɀakanaka, mumŋe kunomumŋe, nokunaʋose. 16Farai ŋguʋa dzose. 17Rambai mucinyeŋgetera. 18Ʋoŋgai paɀinhu ɀose; nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari kwamuri munaKristu Jesu. 19Musadzima Mŋeya; 20musaɀidza ɀinoprofitwa; 21idzai ɀinhu ɀose; muɓatisise ɀakanaka; 22regai marudzi ose eɀakaipa.
23Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu. 24Wakatendeka ndiye unokuɗanai, ucaɀiita ʋo.
25Hama dzaŋgu, tinyeŋgetererei.
26Kwazisai hama dzose nokuȿeta kutȿene. 27Ndinokupikirai naShe, kuti ŋwadi iyi iraʋirwe hama dzose.
28Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaTesaronika 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda