I Timotio 5
5
Ʋatana necirikadzi.
1Usatuka mukuru, asi umuraire saɓaɓa, naʋaɗuku saʋanuŋuna, 2naʋakadzi ʋakuru samadzimai, naʋaɗuku sehanɀadzi nokucena kwomŋoyo kwose. 3Kudza cirikadzi, dziri cirikadzi caidzo. 4Asi kana cirikadzi inaʋana kana ʋazukuru, ŋgaʋataŋge iʋo kudzidza kunamata Mŋari paimba yaʋo, ʋadzosere ɀakafanira kuʋaɓereki ʋaʋo, nokuti ndiɀo ɀinofadza Mŋari. 5Ɀino kana iri cirikadzi caiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inoʋimba naMŋari, inogara icikumbira nokunyeŋgetera ʋusiku namasikati. 6Asi iyo inokarira ɀinofadza, yakafa iciri mhenyu. 7Raira ʋo ɀinhu iɀi, kuti ʋarege kuʋa necaʋaŋgapomerwa. 8Asi kana munhu asiŋgaceŋgeti ʋokwake, ɀikuru ʋeimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usiŋgatendi. 9Cirikadzi ŋgairege kunyorwa zita, asi kana yaȿika makore makumi matanhatu, yaiʋa mukadzi womurume mumŋe cete, 10inorumbidzwa pamsoro pamaɓasa akanaka, kana yakarera ʋana, kana yaifarira ʋaeni, kana yaishambidza tsoka dzaʋatȿene, kana yaiɓatsira ʋari munjodzi, kana yaishiŋgairira maɓasa ose akanaka. 11Asi urambe cirikadzi kana ʋaciri ʋakadzi ʋaɗuku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotȿaka kuwanikwa; 12dzaʋa nemhoȿa, nokuti dzaramba kutenda kwokutaŋga; 13ʋuye ɀe, dzinodzidza kuʋa noʋusimbe dzicipota nedzimba; hadzizi simbe ɓedzi, asi ʋaiti ʋo ʋamakuhwa, dzisiŋgaregi ɀaʋamŋe, dzicitaura ɀisakafanira. 14Naiɀoɀo ndinoɗa kuti cirikadzi ɗuku dziwanikwe, dziɓereke ʋana, dziceŋgete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutoŋgopa muʋeŋgi nzira yokupomera nayo. 15Nokuti ʋamŋe ʋatotsauka ʋaciteʋera Satani. 16Kana mukadzi mutendi anecirikadzi, ŋgaadziɓatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igoɓatsira cirikadzi caidzo.
Ʋakuru ʋanoɓata naʋanodzidzisa.
17Ʋakuru ʋanoɓata kereke ɀakanaka ŋgaʋanzi ʋanofanirwa nokukudzwa kaʋiri, ɀikuru aʋo ʋanoɓata pashoko napakudzidzisa. 18Nokuti Rugwaro runoti: Usasuŋga muromo wenzombe inopura; ʋuye ɀe: Muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake. 19Usaŋgotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana icibʋa pamiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. 20Ʋanotadza uʋaraŋge pamberi paʋose, kuti ʋamŋe ʋagotya. 21Ndinokuraira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, naʋatumŋa ʋakasanaŋgurwa, kuti uceŋgete ɀinhu iɀi usiŋgatoŋgi usati wambonzwa kwaɀo, kana kuita cinhu ucitsaura ʋanhu. 22Usakurumidza kuisa maʋoko pamsoro pomunhu, kana kusoŋgana paɀiʋi ɀaʋamŋe; uɀiceŋgete kuti uʋe wakacena. 23Usaramba uciŋgonwa mvura ɓedzi, asi unwe waini shoma nokuɗa kwomuɗumbu mako noʋutera bgako bguzhinji. 24Ɀiʋi ɀaʋamŋe ʋanhu ɀinoʋonekwa pacena, ɀinotuŋgamirira kutoŋgwa kwaʋo, ʋamŋe ɀe ʋanoteʋerwa naɀo 25Saiɀoɀo ʋo kunamaɓasa akanaka anoʋonekwa pacena, naasina‐kuɗaro haaŋgaʋanzwi.
Zvasarudzwa nguva ino
I Timotio 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: