Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 24

24
Joashi unogadzira tembere; pashure unotsauka panzira dzaJehova.
1Joashi wakaŋga aȿika makore manomŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna; zita ramai ʋake rakaŋga riri Zibia weBeeri‐sheba. 2Joashi akaita ɀakanaka pamberi paJehova mazuʋa ose omuprista Jehoyada. 3Jehoyada akamutȿakira ʋakadzi ʋaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. 4Ɀino shure kwaiɀoɀi Joashi akaraŋgarira kuʋandudza imba yaJehova. 5Akakokera ʋaprista naʋaRevi, akati kwaʋari: Ƃuɗirai kumaguta aJuda, muʋuŋganidze kuʋaIsraeri ʋose mari yokugadzirisa nayo imba yaMŋari wenyu gore rimŋe nerimŋe; ʋuye mumba macimbidzikira cinhu ici! Asi ʋaRevi haʋana‐kucimbidzika. 6Ɀino mambo akaɗana mukuru Jehoyada, akati kwaari: Makaregereiko kuraira ʋaRevi kundoʋuŋganidza mutero waMosesi muranda waJehova paJuda napaJerusarema napaʋuŋgano yaIsraeri, ɀiiswe patente recipupuriro? 7Nokuti ʋanakomana ʋaAtaria, mukadzi uya wakaipa, ʋakaŋga ʋaputsa imba yaMŋari; neɀinhu ɀose ɀeimba yaJehova, ɀakaŋga ɀakatsaurirwa Mŋari, ʋakaɀipa ʋaBaari. 8Naiɀoɀo mambo akaraira, ʋakaʋeza bokisi, ʋakariisa kunze kwesuʋo reimba yaJehova. 9Ɀino ʋakatuma shoko pakati paJuda neJerusarema, kuti ʋanhu ʋaʋigire Jehova mutero wakarairwa ʋaIsraeri murenje naMosesi muranda waMŋari. 10Macinda ose naʋanhu ʋose ʋakafara, ʋakaʋuya naɀo, ʋakaɀikanda mubokisi, kuȿikira ʋapedza. 11Ɀino ŋguʋa dzose kana bokisi riciiswa paimba yamambo namaʋoko aʋaRevi, kana ʋakaʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo, munyori wamambo nomutariri womuprista mukuru ʋakaʋuya ʋakaɗurura ɀiri mubokisi, ʋakaritora ndokuridzosera ɀe panɀimbo yaro. Ʋakaita kuɗaro zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaʋuŋganidza mari zhinji. 12Ɀino mambo naJehoyada ʋakaipa ʋaiɓata maɓasa paimba yaJehova; ʋakaripira ʋaʋezi ʋamabge namatanda, kuti ʋaʋandudze imba yaJehova, naʋapfuri ʋamatare nendarira, kuti ʋagadzire imba yaJehova. 13Naiɀoɀo ʋaɓati ʋakaɓata, ɓasa rikapedzwa naʋo; ʋakagadzira imba yaMŋari seɀayakaŋga yakaita kare, ʋakaisimbisa. 14Ɀino ʋakati ʋapedza, ʋakaʋuya nemari yakasara kunamambo naJehoyada, ʋakaita nayo midziyo yeimba yaJehova, iri midziyo yokuɓata nayo, nokuɓayira nayo, neɀiroŋgo, nemidziyo yendarama nesirveri. Ʋaiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa mumba maJehova mazuʋa ose aJehoyada. 15Asi Jehoyada wakazokwegura, akaʋa namazuʋa mazhinji ndokufa; wakaŋga anamakore anezana namakumi matatu pakufa kwake. 16Ʋakamuʋiga paguta raDavidi pakati pamadzimambo; nokuti wakaŋga aitira Mŋari neimba yake ɀakanaka pakati paIsraeri. 17Ɀino Jehoyada wakati afa, macinda aJuda akaȿika, akanamata mambo. Ipapo mambo akaʋaterera. 18Ʋakasiya imba yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakashumira matanda okunamata nawo neɀifananidzo; Mŋari akatsamŋira Juda neJerusarema pamsoro pemhaka iyi. 19Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋatumira ʋaprofita kuzoʋadzosera ɀe kunaJehova; iʋo ʋakaʋapupurira, asi ʋakaramba kunzwa. 20Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paZekaria, mŋanakomana womuprista Jehoyada, akamira pakakwirira pamberi paʋanhu, akati kwaʋari: Ɀanzi naMŋari: Munoɗarikireiko mirairo yaJehova, muciramba kufara? Ɀamasiya Jehova, naiye wakusiyai ʋo. 21Ipapo ʋakaraŋgana, ʋakamutaka namabge paruʋazhe rweimba yaJehova, ʋarairwa namambo. 22Nokuɗaro mambo Joashi haana‐kuraŋgarira ɀakanaka ɀaakaŋga aitirwa naJehoyada ɓaɓa ʋake, asi wakaʋuraya mŋanakomana wake. Ɀino wakati acifa, akati: Jehova ŋgaatarire cinhu ici, acitsiʋe. 23Ɀino gore rakati ropera, hondo yaʋaSiria ikaȿika kuzorwa naye; ʋakaȿika paJuda napaJerusarema ʋakaparadza macinda ose aʋanhu pakati paʋanhu, ʋakatuma ɀose ɀaʋakapamba kunamambo weDamasko. 24Nokuti hondo yaʋaSiria yakaʋuya neɓoka ɗuku raʋanhu; Jehova akaisa pfumo guru‐guru mumaʋoko aʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. Nokuɗaro ʋakaitira Joashi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naMŋari. 25Ɀino ʋakati ʋabva kwaari (nokuti ʋakamusiya acirwara kwaɀo), ʋaranda ʋake ʋakaraŋgana pamsoro pake nemhaka yeropa raʋanakomana ʋomuprista Jehoyada, ʋakamuʋurayira panhoʋo yake, akafa; ʋakamuʋiga muguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga kumarinda amadzimambo. 26Ʋakaraŋgana pamsoro pake ndiʋaʋa: Zabadi mŋanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, neJehozabadi mŋanakomana waShimriti mukadzi muMoabi. 27Ɀino kana ɀiri ɀaʋanakomana ʋake, namashoko makuru aʋaprofita akarebga pamsoro pake, nokumutswa kweimba yaMŋari, tarirai ɀakanyorwa paɗudziro yebuku yamadzimambo. Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 24: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda