II Makoronike 26
26
Uzia mambo waJuda.
1Ɀino ʋanhu ʋose ʋaJuda ʋakatora Uzia, wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Amazia. 2Iye akaʋaka Eroti, akaridzosera kunaJuda, mambo aʋata namadziɓaɓa ake. 3Uzia wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi mashanu namaʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jekiria weJerusarema. 4Iye akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀose seɀakaita ɓaɓa ʋake Amazia. 5Akashiŋgaira kutȿaka Mŋari namazuʋa aZekaria, wakaŋga anenjere pakuziʋa ɀaMŋari; ɀino pamazuʋa aakatȿaka Jehova, Mŋari wakamukundisa. 6Akandorwa naʋaFiristia, akaputsa ruȿiŋgo rweGati, noruȿiŋgo rweJabne, noruȿiŋgo rweAshdodi; akaʋaka maguta panyika yeAshdodi napakati paʋaFiristia. 7Mŋari akamuɓatsira pakurwa naʋaFiristia, naʋaArabia, ʋakaŋga ʋagere Guri‐baari, naʋaMeunimi. 8ƲaAmoni ʋakaʋigira Uzia ɀipo; mbiri yake ikapararira kuȿikira paʋanopinda napo paEgipita; nokuti wakasimba kwaɀo. 9Uzia wakaʋaka ʋo shoŋgwe paJerusarema pasuʋo rekona, napasuʋo romupata, napakudzoka kworuȿiŋgo, akadzisimbisa. 10Akaʋaka ʋo shoŋgwe murenje, akacera ʋo madziʋa mazhinji, nokuti wakaŋga aneɀipfuwo ɀizhinji; napamapani ʋo, napanyika yokumakomo; ʋuye wakaŋga anaʋarimi naʋasimi ʋamazambiriŋga pamakomo napaminda yakaʋorera, nokuti waiɗa minda. 11Ʋuye ʋo Uzia wakaŋga anehondo yaʋarwi, ʋaindorwa ʋaciita mapoka, seɀaʋakaʋereŋgwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, ʋakatuŋgamirirwa naHanania mumŋe waʋakuru ʋamambo. 12Ʋose ʋakaʋereŋgwa kuʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, iʋo ʋarume ʋaiʋa nesimba noʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu. 13Iʋo ʋairaira hondo yakaŋga yakadzidziswa, ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana matatu neɀinomŋe namazana mashanu, ʋaigona kurwa nesimba guru, kuzoɓatsira mambo kurwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo. 14Uzia akaʋagadzirira, iʋo ʋose ʋehondo, nhoʋo, namapfumo, neŋgoani, neŋguʋo dzamatare, noʋuta, namabge okufura nawo. 15Akaita ʋo paJerusarema micini, yakaitwa naʋanhu ʋakaŋgwara, ikaiswa pashoŋgwe napamakona amaȿiŋgo, kuzoposhera nayo miseʋe namabge makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti wakaɓatsirwa ɀinoshamisa, kuȿikira asimba.
16Asi wakati asimba, mŋoyo wake ukaɀikudza, akazoita ɀakashata, akatadzira Jehova Mŋari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehova kundopisa ɀinonhuwira paartari yeɀinonhuwira. 17Ipapo muprista Azaria wakamuteʋera akapinda anaʋaprista ʋaJehova ʋanamakumi masere, ʋaiʋa ʋarume ʋoʋumhare. 18Iʋo ʋakadziʋisa mambo Uzia, ʋakati kwaari: Nhandi Uzia, haɀifaniri kuti imi mupisire Jehova ɀinonhuwira, asi ʋaprista ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatsaurwa kupisa ɀinonhuwira; ɓuɗai panɀimbo tȿene, nokuti maɗarika; hamuŋgakudzwi naJehova Mŋari nokuɗa kwecinhu ici. 19Ipapo Uzia akatsamŋa kwaɀo; ɀino iye wakaŋga akaɓata haryana yeɀinonhuwira kuti apise ɀinonhuwira; ɀino wakati acakatsamŋira ʋaprista, maperembudzi akaɓuɗa pahuma yake pamberi paʋaprista muimba yaJehova, kurutiʋi rweartari yeɀinonhuwira. 20Ɀino Azaria muprista mukuru naʋaprista ʋose ʋakatarira kwaari, ʋakaʋona kuti waʋa namaperembudzi pahuma yake, ʋakacimbidzika kumuɓuɗisa’po; kunyaŋge naiye wakacimbidzika kuɓuɗa, nokuti Jehova wakaŋga amuroʋa. 21Ɀino mambo Uzia akaʋa namaperembudzi kuȿikira pazuʋa rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti wakadziʋiswa kupinda paimba yaJehova; Jotami mŋanakomana wake akaʋa mutariri weimba yamambo, akatoŋga ʋo mhoȿa dzaʋanhu ʋenyika. 22Ɀino mamŋe maɓasa aUzia, okutaŋga nookupedzisira, akanyorwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi. 23Naiɀoɀo Uzia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake mumunda wamarinda aiʋa amadzimambo; nokuti ʋakati: Unamaperembudzi; Jotami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 26: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: