Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 27

27
Jotami mambo waJuda.
1Jotami wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jerusha mukunda waZadoki. 2Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akaita ɀose ɀakaitwa naɓaɓa ʋake Uzia; asi haana‐kupinda mutembere yaJehova. Ʋanhu ʋakaramba ʋaciita ɀakashata. 3Akaʋaka suʋo rokumsoro reimba yaJehova, akaʋaka ʋo ɀizhinji pamsoro poruȿiŋgo rweOferi. 4Wakaʋaka ʋo maguta panyika yamakomo yaJuda, ʋuye akaʋaka nhare neshoŋgwe mumatondo. 5Wakarwa ʋo namambo waʋana ʋaAmoni, akaʋakunda. Negore iro ʋana ʋaAmoni ʋakamupa matarenta esirveri anezana,#27:5 Mari ineŋge £40,000. neɀiyero ɀeɀiyo ɀineɀuru ɀinegumi,#27:5 Masaga aneŋge 35,000. neɀiyero ɀebari ɀineɀuru ɀinegumi.#27:5 Masaga aneŋge 35,000. Ʋana ʋaAmoni ʋakamupa ɀizhinji ɀakaɗai pagore recipiri, negore recitatu ʋo. 6Naiɀoɀo Jotami akasimba, nokuti wakagadzira nzira dzake pamberi paJehova Mŋari wake. 7Ɀino mamŋe maɓasa aJotami, nokurwa kwake kwose, netsika dzake, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naaJuda. 8Wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu. 9Jotami akaʋata namadziɓaɓa ake; ʋakamuʋiga muguta raDavidi; Ahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda