II Makoronike 28
28
Ahazi mambo waJuda.
1Ahazi wakaŋga anamakore makumi maʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; asi haana‐kuita ɀakarurama pamberi paJehova, saɓaɓa ʋake Davidi; 2asi wakafamba nenzira dzamadziɓaɓa aIsraeri, akaitira ʋaBaari ʋo ɀifananidzo ɀendarira yakanyauswa. 3Ʋuye wakapisa ʋo ɀinonhuwira pamupata womŋanakomana waHinomi, akapisa ʋana ʋake mumŋoto, seɀainyaŋgadza ɀaʋahedeni, ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri. 4Akaɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira, napaɀikomo, napasi pemiti yose mitema. 5Saka Jehova Mŋari wake wakamuisa muruʋoko rwamambo weSiria; ʋakamukunda, ʋakaenda naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋakatapxa, ʋakandoʋaisa Damasko. Naiye amene wakaiswa muruʋoko rwamambo waIsraeri, wakamukunda, akaʋuraya ʋazhinji‐zhinji. 6Nokuti Peka mŋanakomana waRemaria wakaʋuraya paJuda ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri pazuʋa rimŋe; ʋose ʋari ʋarume ʋoʋumhare; nokuti ʋakaŋga ʋasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. 7Zikri murume waEfraimi, wakaŋga anesimba, akaʋuraya Maaseya mŋanakomana wamambo, naAzrikami mutariri weimba, naErkana mukuru kuteʋera mambo. 8Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa pakati pehama dzaʋo ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri, ʋakadzi, naʋanakomana, naʋanasikana, ʋakapamba ʋo ɀizhinji kwaʋari; ʋakandoisa Samaria iɀo ɀakapambga. 9Asi kwakaŋga kunomuprofita waJehova, wainzi Odedi; iye akaenda kundosoŋgana nehondo yakaŋga yoʋuya Samaria, akati kwaʋari: Jehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakaŋga atsamŋira ʋaJuda, saka wakaʋaisa mumaʋoko enyu, mukaʋaʋuraya nehasha dzakaȿikira kuɗeŋga. 10Ɀino munoti mucamanikidza ʋana ʋaJuda naʋeJerusarema, ʋaʋe ʋatapxa ʋenyu ʋaranda naʋarandakadzi; ko imi hamunemhoȿa ʋo mumene pamberi paJehova Mŋari wenyu here? 11Naiɀoɀo ɀino cindinzwai, mudzose ʋatapxa ʋamakatapa pakati pehama dzenyu; nokuti Jehova wakutsamŋirai kwaɀo. 12Ipapo ʋamŋe ʋakuru ʋaʋana ʋaEfraimi, ʋaiti Azaria mŋanakomana waJohanani, naBerekia mŋanakomana waMeshiremoti, naJehizkia mŋanakomana waSharumi, naAmasa mŋanakomana waHadrai, ʋakadziʋisa aʋo ʋabva pakurwa, 13ʋakati kwaʋari: Hamuŋgapindi pano naʋatapxa, nokuti munoʋaʋarira kuita cinhu cicatiparisa mhaka panaJehova, mugowedzera paɀiʋi ɀeɗu nemhoȿa yeɗu; nokuti mhoȿa yeɗu ihuru, ʋaIsraeri ʋatsamŋirwa kwaɀo naJehova. 14Ipapo ʋarwi ʋakasiya ʋatapxa neɀakapambga kumacinda neʋuŋgano yose. 15Ɀino aʋa ʋarume ʋarebga mazita aʋo, ʋakasimuka, ʋakatora ʋatapxa, ʋakafukidza ʋose ʋakaŋga ʋakashama pakati paʋo neɀakapambga, ʋakaʋapfekedza nokuʋaisa shaŋgu, ndokuʋapa ɀokudya neɀokunwa, ʋakaʋazodza, ʋakataȿisa ʋose ʋakaŋga ʋasinesimba pamboŋgoro, ʋakaʋaisa Jeriko, guta remicindwe, kuhama dzaʋo; ipapo ʋakadzokera Samaria.
16Paŋguʋa iyo mambo Ahazi akatuma shoko kumadziɓaɓa aAsiria, kuti ʋamuɓatsire. 17Nokuti ʋaEdomi ʋakaŋga ʋaȿika ɀe, ʋakakunda ʋaJuda ʋakatapa ʋatapxa. 18NaʋaFiristia ʋo ʋakaŋga ʋaʋamba maguta amapani, naaiʋa kurutiʋi rwezasi rwaJuda, ʋakakunda Beti‐shemeshi, neAijaroni, neGederoti, neSoko, nemisha yawo, neTimna, nemisha yaro, neGimzo nemisha yaro; ʋakagara’po. 19Nokuti Jehova wakaninipisa ʋaJuda nokuɗa kwaAhazi mambo waIsraeri; nokuti wakaŋga aita ɀakaipa paJuda, akatadzira Jehova kwaɀo. 20Ɀino Tirgati‐pirineseri mambo weAsiria akaʋuya kuzorwa naye, akamumanikidza, asi haana‐kumukunda. 21Nokuti Ahazi wakatora mugoʋe wefuma paimba yeJehova, napaimba yamambo, neyamacinda, akaɀipa mambo weAsiria; asi haɀina‐kumuɓatsira. 22Asi paŋguʋa yokutambudzika kwake, wakanyanya kutadzira Jehova, iye mambo Ahazi. 23Nokuti wakaɓayira ʋamŋari ʋeDamasko, ʋakaŋga ʋamukunda, akati: Ʋamŋari ʋamadzimambo aSiria ɀaʋanoʋaɓatsira, ini ndicaʋaɓayira ʋo, kuti ʋandiɓatsire ʋo. Asi iʋo ʋakamuparadza iye naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye. 24Ɀino Ahazi akaʋuŋganidza midziyo yeimba yaMŋari, akaputsanya midziyo yeimba yaMŋari, akapfiga mikoʋa yeimba yaJehova; akaɀiitira artari pose‐pose paJerusarema. 25Akaita ʋo matunhu akakwirira paguta rimŋe nerimŋe raJuda kuzopisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira ipapo, akatsamŋisa Jehova Mŋari wamadziɓaɓa ake. 26Ɀino mamŋe maɓasa ake, netsika dzake dzose, dzokutaŋga nedzokupedzisira, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri. 27Ahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga muguta, imo muJerusarema; nokuti haʋanakumuisa pamarinda amadzimambo aIsraeri; Hezekia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 28: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fen.png&w=128&q=75)