2 ƲaKorinte 3
3
1Tinotaŋga ɀe kuɀirumbidza kwamuri here? Tinotȿaka here saʋamŋe ŋwadi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dziŋgatirumbidza? 2Imi muri ŋwadi yeɗu yakanyorwa mumŋoyo meɗu, inozikanwa nokurabga naʋanhu ʋose; 3makaʋonekwa kuti muri ŋwadi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina‐kunyorwa neinki, asi noMŋeya waMŋari mupenyu; isina‐kunyorwa pamahwendefa amabge, asi pamahwendefa enyama omŋoyo. 4Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari; 5hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari; 6iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu. 7Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako — 8ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here? 9Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya. 10Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda. 11Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya.
12Naiɀoɀo, ɀatinetariro yakaɗai, tinotaura tisiŋgatyi napaɗuku, 13tisiŋgaiti saMosesi, waiisa cifukidziro paciso cake, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋarege kutarisisa kuguma kweɀinopfuʋura. 14Asi ndaŋgariro dzaʋo dzakakomara; nokuti kuȿikira zuʋa ranhasi, kana suŋgano yakare icirabga, cifukidziro ico ciri’po, ʋasiŋgaratidzwi kuti munaKristu ɀinopfuʋura. 15Asi kuȿikira nhasi, kana Mosesi acirabga, cifukidziro ciri’po pamŋoyo yaʋo. 16Ɀino kana munhu acitendeʋukira kunaShe, cifukidziro cinobviswa. 17Ishe ndiMŋeya; ɀino panoMŋeya waShe, panesunuŋguko. 18Ɀino isu tose tinoti ticitarira neciso cisina‐kufukidzirwa kubginya kwaShe sapaciʋoni‐ʋoni, tinoshandurwa ticifanana nomufananidzo iwoyo, ticibva pakubginya kumŋe ticienda kunokumŋe kubginya, seɀicibva kunaShe, Mŋeya.
Zvasarudzwa nguva ino
2 ƲaKorinte 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: