2 ƲaKorinte 5
5
1Nokuti tinoziʋa kuti kana imba yeɗu yenyika, tabernakeri yeɗu, iciputswa, tinecakaʋakwa cinobva kunaMŋari, imba isina‐kuʋakwa namaʋoko, isiŋgaperi, iri kuɗeŋga. 2Nokuti tinogomera ʋo mairi, ticishuʋa kuti tifukidzwe neimba yeɗu inobva kuɗeŋga; 3kuti kana takafukidzwa heɗu, hatiŋgawanikwi tisina‐catakafuka. 4Nokuti nesu, tiri mutabernakeri iyi tinogomera, ticiremerwa; tisiŋgaɗi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti cinofa cimedzwe noʋupenyu. 5Ɀino, uyo wakatigadzirira cinhu ici ndiMŋari, wakatipa ʋo ruɓatso rwoMŋeya. 6Naiɀoɀo tinotsuŋga mŋoyo ŋguʋa dzose, ticiziʋa kuti kana ticigara mumuʋiri hatigari kunaShe; 7nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuʋona; 8tinotsuŋga mŋoyo ʋo, ticiti ɀirinani tirege kugara pamuʋiri, kuti tigare kunaShe. 9Saka tinoshiŋgaira kuti timufadze iye, kunyaŋge ticigara’mo, kunyaŋge tisiŋgagari’mo. 10Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pecigaro cokutoŋga caKristu; kuti mumŋe nomumŋe apiwe ɀaakaita nomuʋiri, seɀaakaita, kana ɀakanaka kana ɀakaipa.
Yananiso iri munaJesu Kristu.
11Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu. 12Hatiɀirumbidzi ɀe kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuɗa kweɗu, kuti mugone kupindura aʋo ʋanoʋimba neɀinoʋonekwa, ʋasiŋgaʋimbi neɀomŋoyo. 13Nokuti kana ticipeŋga, takaɗaro nokuɗa kwaMŋari; kana tiri ʋanhu kwaʋo, takaɗaro nokuɗa kwenyu. 14Nokuti ruɗo rwaKristu runotimanikidza; ɀatinoziʋa cinhu ici kuti mumŋe wakafira ʋose, ɀino ʋose ʋakafa; 15ɀino iye wakafira ʋose, kuti aʋo ʋanorarama ʋarege kuzoɀiraramira iʋo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuɗa kwaʋo. 16Naiɀoɀo, kubvira ɀino hatitoŋgoziʋi munhu panyama; ʋuye kunyaŋge takaziʋa Kristu panyama, kubvira ɀino haticamuziʋi saiɀoɀo. 17Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa. 18Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; 19ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
20Naiɀoɀo tiri nhume nokuɗa kwaKristu, Mŋari saaneŋge acikumbira ɀikuru nesu; tinokumbira nokuɗa kwaKristu, ticiti: Yananiswai naMŋari. 21Uyo, wakaŋga asiŋgaziʋi ɀiʋi, wakamuita kuti aʋe ɀiʋi nokuɗa kweɗu; kuti isu tiʋe kururama kwaMŋari maari.
Zvasarudzwa nguva ino
2 ƲaKorinte 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: