Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 7

7
1Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari.
Mufaro waPauro pamsoro paʋo kuti ʋakaterera mashoko eŋwadi yake.
2Mutizarurirei mŋoyo yenyu; hatinakuitira munhu ɀisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina‐kunyeŋgera munhu. 3Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi. 4Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose.
5Nokuti takati taȿika Makedonia, nyama yeɗu haina‐kuzorora, asi takatambudzika pamatiʋi ose; kunze kwaiʋa nokukakaʋara, mukati maiʋa nokutya. 6Asi Mŋari, unonyaradza ʋakaʋora mŋoyo, wakatinyaradza nokuȿika kwaTito; 7handiti nokuȿika kwake ɓedzi, asi ʋo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamsoro penyu, acitiʋudza ɀecishuʋo cenyu, nokucema kwenyu, nokushiŋgaira kwenyu pamsoro paŋgu; saka ndakanyanya kufara. 8Nokuti kunyaŋge ndakakucemedzai neŋwadi yaŋgu, handiɀidyi mŋoyo; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɀidya mŋoyo haŋgu, ndinoʋona kuti ŋwadi iyo yakakucemedzai, asi yakaŋga iri ŋguʋa ɗuku hayo. 9Ɀino, handifari kuti makacemedzwa, asi nokuti makacemedzwa mukatendeʋuka; nokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, kuti murege kurashikirwa necinhu nokuɗa kweɗu. 10Nokuti kucema seɀinoɗa Mŋari kunoʋuyisa kutendeʋuka, kunoisa kukuponeswa kusiŋgaɀidyi mŋoyo; asi kucema kwenyika kunoʋuyisa rufu. 11Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici 12Ɀino, kana ndakakunyorerai, handina‐kuɀiita nokuɗa kwaiye wakaita ɀisakarurama, kana nokuɗa kwaiye wakaitirwa ɀisakarurama, asi kuti kushiŋgaira kwenyu nokuɗa kweɗu kuʋonekwe nemi mumene pamberi paMŋari. 13Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; ɀino pakunyaradzwa kweɗu takafara ɀikuru kwaɀo pamsoro pomufaro waTito, nokuti mŋeya wake wakasimbiswa nemi mose. 14Nokuti kana ndakaɀirumbidza necinhu kwaari pamsoro penyu, handina‐kunyadziswa; asi seɀatakataura kwamuri ɀose neɀokwaɗi, saiɀoɀo ʋo kuɀirumbidza kweɗu pamberi paTito kwakaʋonekwa kuti ndokwaɀokwaɗi. 15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, aciraŋgarira kuterera kwenyu mose, pamakamugamucira napo nokutya nokuɗeɗera. 16Ndinofara kuti paɀinhu ɀose ndiŋgakutendai.

Zvasarudzwa nguva ino

2 ƲaKorinte 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda