2 ƲaKorinte 8
8
Ɀipo ɀakaʋuŋganidzirwa ʋarombo ʋapaJerusarema.
1Ɀino tinokuziʋisai, hama dzaŋgu, nyasha dzaMŋari dzakapiwa pakereke dzeMakedonia; 2kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro waʋo mukuru, pamŋe cete noʋurombo bgaʋo bgukuru, ɀakawanza ɀikuru kusanyima kwaʋo. 3Nokuti ndinopupura, kuti ʋakapa nokuɗa kwaʋo paʋakagona napo, kunyaŋge kupfuʋura paʋakagona napo; 4ʋakakumbira nokunyeŋgetera kukuru kwatiri kuti tiʋatendere kuita ɓasa iri renyasha nokusoŋgana pakushumira ʋatȿene; 5haʋana‐kuita seɀatakafuŋga ɓedzi, asi iʋo ʋakataŋga kuɀipa kunaShe, nokwatiri, nokuɗa kwaMŋari. 6Naiɀoɀo takakumbira ɀikuru kunaTito, kuti seɀaakaŋga ataŋga, apedzise ɓasa iri renyasha pakati penyu ʋo. 7Ɀino seɀamakapfuʋurira paɀinhu ɀose, pakutenda, napakutaura, napakuziʋa, napakushiŋgaira kwose, naparuɗo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuʋure paɓasa iri renyasha ʋo. 8Handireʋi ndiciraira, asi kuti ndiidze ndiziʋe nokushiŋgaira kwaʋamŋe kana ruɗo rwenyu ndorwaɀokwaɗi ʋo. 9Nokuti munoziʋa nyasha dzaShe weɗu, Jesu Kristu, kuti kunyaŋge akaŋga akafuma, wakaʋa murombo nokuɗa kwenyu, kuti imi noʋurombo bgake muʋe ʋafumi. 10Pacinhu ici ndinokuʋudzai kufuŋga kwaŋgu; nokuti ɀicakuɓatsirai, nokuti ndimi makataŋgira vamŋe makei, musiŋgaiti ɓedzi, asi muciɗa ʋo. 11Asi ɀino pedzisai kuita ʋo; seɀamakaŋga munomŋoyo unoɗa, saiɀoɀo pedzisai ʋo pamunogona napo. 12Nokuti kana mŋoyo wokupa uri’po, cipo cinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo. 13Nokuti handireʋi kuɗaro ndiciti ʋamŋe ʋarerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; 14kuti paŋguʋa ino kuwanda kwenyu kuɓatsire kushaiwa kwaʋo, kuti kuwanda kwaʋo kuɓatsire kushaiwa kwenyu ʋo; kuti kuʋe nokuenzana; 15seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋuŋganidza ɀizhinji, haana‐kusarirwa necinhu; naiye wakaʋuŋganidza ɀishoma, haana‐kushaiwa.
16Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, wakaisa mumŋoyo maTito kushiŋgaira kwakaɗaro kwamuri. 17Nokuti wakanzwa bake kuraira kweɗu, asi ɀaakaŋga acishiŋgaira ɀikuru, wakaenda kwamuri, nokuɗa kwake hake. 18Ɀino takatuma pamŋe cete naye hama iya, inorumbidzwa paEvaŋgeri pakereke dzose; 19ɀisati ɀiri iɀoɀo ɓeɗzi, asi iye wakasanaŋgurwa ʋo nekereke kuti atiperekedze paɓasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mŋari akudzwe, ʋuye kuɗa kwomŋoyo weɗu kuratidzwe; 20ticiɀicenjerera, kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgatipa mhoȿa pamsoro peɀakawanda iɀi, ɀatinoɓata naɀo. 21Nokuti hatitȿaki ɀinhu ɀakanaka pamberi paShe ɓeɗzi, asi pamberi paʋanhu ʋo. 22Takatuma ʋo naʋo hama yeɗu, yatakaidza kazhinji tikaʋona kuti unoshiŋgaira paɀinhu ɀizhinji; asi ɀino unonyanya kushiŋgaira nokuɗa kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri. 23Kana ari Tito, ndiye shamŋari yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu kwamuri; kana dziri hama dzeɗu, ndiʋo ʋaapostora ʋekereke, ʋuye kukudzwa kwaKristu. 24Naiɀoɀo muʋaratidze pamberi pekereke ciratidzo coruɗo rwenyu, necokurumbidza kweɗu pamsoro penyu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 ƲaKorinte 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: