Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Petro 2

2
Ʋadzidzisi ʋenhema.
1Asi kwakaŋga kunaʋaprofita ʋenhema pakati paʋanhu, seɀaʋacaʋa’po pakati penyu ʋo ʋadzidzisi ʋenhema, ʋacapinza pakaʋanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, ʋaciramba naiye Tenzi wakaʋateŋga, ʋaciɀiwisira kuparadzwa kunokurumidza. 2Ʋazhinji ʋacateʋera ʋutere bgaʋo; nokuɗa kwaʋo nzira yeɀokwaɗi icaɀidzwa. 3Pakukarira kwaʋo mari ʋacakunyeŋgerai namashoko amano-mano; kutoŋgwa kwaʋo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwaʋo hakukotsiri. 4Nokuti kana Mŋari asina‐kurega ʋatumŋa ʋakatadza, asi wakaʋakandira muTartaro nokuʋaisa kumakomba erima, kuti ʋaceŋgeterwe kutoŋgwa; 5akasarega ʋo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamŋe cete naʋamŋe ʋanomŋe, ŋguʋa yaakaʋuyisa mvura zhinji panyika yaʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgaɗi Mŋari; 6akashandura maguta eSodoma neGomora akaaita maɗota, akaatoŋgera kuti aparadzwe, akaaita ciʋe ciratidzo kunaiʋo ʋacagara ʋasiŋgaɗi Mŋari; 7akasunuŋgura Roti, wakaŋga akarurama, wakaŋga afa neshuŋgu nokuɗa kwomufambire woʋutere waʋakashata, 8(nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati paʋo aciʋona nokunzwa, wakarwadzisa mŋeya wake wakarurama zuʋa rimŋe nerimŋe namaɓasa aʋo akaŋga asino‐kururama). 9Ishe unoziʋa kusunuŋgura pamiidzo ʋanonamata Mŋari, nokuceŋgeta ʋasakarurama ʋaʋe pakurobga kuȿikira pazuʋa rokutoŋgwa; 10ɀikuru iʋo ʋanofamba nomutoʋo wenyama pakuciʋa kunoȿiɓisa nokuɀidza ʋukuru; ʋanotsuŋga, ʋaciita nokuɗa kwaʋo, ʋasiŋgatyi kutuka aʋo ʋanokubginya; 11ʋatumŋa, kunyaŋge ʋanoʋapfuʋura nesimba noʋukuru, haʋaʋuyi pamberi paShe nemhoȿa yokuʋapomera nayo. 12Asi aʋa ɀaʋanotuka ɀaʋasiŋgaziʋi, ʋakaita semhuka dzisinomuraŋgariro, dzakaɓerekwa kuti dziɓatwe, dziparadzwe, naiʋo ʋacaparadzwa pakuʋora kwaʋo, 13ʋaciitirwa ɀisakarurama, uri muɓairo wokusarurama kwaʋo; ʋanhu ʋanoti, kutamba masikati ndiɀo ɀinofadza, iʋo makwapa namaʋara, ʋanofara nokunyeŋgera kwaʋo kana ʋacidya nemi; 14ʋanameso azere noʋupombge, asiŋgaregi kutadza; ʋanonyeŋgera ʋanhu ʋasinesimba; ʋanomŋoyo wakadzidziswa kuciʋa; iʋo ʋana ʋokutukwa; 15ʋakasiya nzira yakarurama, ʋakatsauka, ʋakateʋera nzira yaBarami, mŋanakomana waBeori, wakaɗa muɓairo wokusarurama; 16asi wakarairwa pamsoro pokuɗarika kwake, nokuti mboŋgoro, isiŋgagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadziʋisa kupeŋga kwomuprofita. 17Iʋaʋa matsime asinemvura, mhute rinodziŋgwa nemhepo; iʋo ʋakaceŋgetererwa kuȿiɓa kwerima. 18Nokuti nokutaura kwaʋo mashoko mazhinji okuɀikudza asinamaturo, ʋanonyeŋgera pakuciʋa kwenyama noʋutere, aʋo ʋacaŋgotiza ʋacibva kunaʋanogara pakutsauka; 19ʋaciʋapikira kusunuŋgurwa, nyamba iʋo ʋamene ʋaranda ʋokuʋora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake. 20Nokuti iʋo, kana nenzira yokuziʋa Ishe, Muponesi Jesu Kristu, ʋambotiza haʋo ɀinoȿiɓisa ɀenyika, kana ʋakaɓatwa nokukundwa ɀe naɀo, kuguma kwaʋo kwaipa kupfuʋura kutaŋga kwaʋo. 21Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo. 22Ɀinorebga neshumo yaɀokwaɗi ndiɀo ɀakaitwa kwaʋari, ɀinoti: Imbga yakadzokera kumarutsi ayo, neŋguruʋe yakaŋga yashambidzwa, kukuʋumburuka mumatope.

Zvasarudzwa nguva ino

II Petro 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda