Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II ƲaTesaronika 1

1
Kwaziso.
1Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika munaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu: 2Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu
Pauro unoʋoŋga nokuti ʋanomira nesimba.
3Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda; 4nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo. 5Ndiɀo ɀinoratidza kutoŋga kwakarurama kwaMŋari; kuti mugonzi makafanirwa noʋushe bgaMŋari, bgamunotambudzikira ʋo; 6ɀaɀakarurama kunaMŋari, kuti atsiʋe nokutambudzika iʋaʋo ʋanokutambudzai; 7nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake, 8mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu; 9iʋo ʋacarobga nokuparadzwa kusiŋgaperi, kuti ʋabve pamberi paShe, napakubginya kwesimba rake, 10kana aciʋuya kuzorumbidzwa muʋatȿene ʋake, nokukanukirwa munaʋose ʋanotenda nezuʋa irero; (nokuti kupupura kweɗu kwamuri kwakatendwa). 11Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda; 12kuti zita raShe weɗu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, seɀadzakaita nyasha dzaMŋari weɗu nedzaShe Jesu Kristu.

Zvasarudzwa nguva ino

II ƲaTesaronika 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda