Maɓasa Aʋaapostora 12
12
Petro unosuŋgwa naHerode, ndokuɓudiswa nomutumŋa waShe.
1Ɀino neŋguʋa ineŋge iyeyo mambo Herode akatambanudza maʋoko ake kuti atambudze ʋamŋe ʋekereke; 2akaʋuraya Jakobo, mukuru waJohane, nomunondo. 3Ɀino wakati aciʋona kuti ɀafadza ʋaJuda, ndokupfuʋura akaɓata Petro ʋo. Aiʋa mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso. 4Ɀino wakati amuɓata, akamusuŋga mutoroŋgo, akamuisa kumapoka manna, rimŋe nerimŋe rinaʋarwi ʋanna, kuti ʋamurinde, aciti amuise pamberi paʋanhu, kana paseka yapfuʋura. 5Naiɀoɀo Petro akaceŋgetwa mutoroŋgo; asi wakaŋga acinyeŋgetererwa ɀikuru nekereke kunaMŋari. 6Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa. 7Ipapo, tarira, mutumŋa waShe akamira’po, ciedza cikapenya mumba; akaroʋa Petro parutiʋi, ndokumumutsa, aciti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamaʋoko ake. 8Mutumŋa akati kwaari: Ɀisuŋge ciʋuno, usuŋgire shaŋgu dzako. Akaita saiɀoɀo. Akati kwaari: Fuka ŋguʋo yako, unditeʋere. 9Akaɓuɗa, akamuteʋera, asiŋgaziʋi kuti ɀirokwaɀo ɀinoitwa nomutumŋa; asi wakati ndinoʋona ciratidzo. 10Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo. 11Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda. 12Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera. 13Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera. 14Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo. 15Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake. 16Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa. 17Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe. 18Ɀino kwakati kwaedza, ɓope guru rikaʋa’po pakati paʋarwi, ʋaciti Petro wanzinwi. 19Herode wakati amutȿaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa ʋarindi, akaraira kuti ʋandoʋurawa. Ɀino akaɓuruka Judea, akaenda Kesaria, akandogara’ko.
20Ɀino akatsamŋira ɀikuru ʋanhu ʋeTire neSidoni; iʋo ndokuʋuya kwaari ʋose pamŋe cete, ʋakaita ʋushamŋari naBrasto, mutariri weimba yamambo, ʋakakumbira rugare, nokuti nyika yaʋo yaipiwa ɀokudya nenyika yamambo. 21Ipapo nezuʋa rakaŋga ratarwa, Herode akafuka ŋguʋo dzoʋumambo, akagara pacigaro cake coʋushe, akataura kwaʋari. 22Ipapo ʋanhu ʋakaɗanidzira ʋaciti: Inzwi raMŋari, harizi romunhu. 23Pakarepo mutumŋa waShe ukamuroʋa, nokuti wakaŋga asinakukudza Mŋari; akadyiwa nehonye, akafa.
24Asi shoko raMŋari rakakura, rikawanda.
25Ɀino Barnabasi naSauro, ʋakati ʋapedzisa ɓasa raʋo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakaenda naJohane, wainzi Marko.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018