Maɓasa Aʋaapostora 20
20
Pauro unoenda ɀe kunyika yeMakedonia neGirisi. Unomutsa Yutiko paTroa.
1Ƃopoto rakati ranyarara, Pauro akaɗana ʋadzidzi, akaʋaraira, ndokuwonekana naʋo, akabva aciɗa kuenda Makedonia. 2Akagura namatiʋi enyika idzo, akaraira ʋatendi namashoko mazhinji, ndokuȿika panyika yaʋaGiriki. 3Akati agara mŋedzi mitatu, raŋgano yakaipa ikaitwa naʋaJuda pamsoro pake, oɗa kuenda Siria necikepe, akati ndodzokera napaMakedonia. 4Akaperekedzwa naSopatro weBerea, mŋanakomana waPiro; naAristarko naSekundo ʋeTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; ʋuye Tikiko naTrofimo ʋeAsia. 5Iʋo ʋakatuŋgamira, ʋakatimirira paTroa. 6Isu tikabva Firipi necikepe mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso apfuʋura; tikasika kwaʋari paTroa namazuʋa mashanu; tikagara’po mazuʋa manomŋe.
7Ɀino nomusi wokutaŋga weviki, takaʋuŋgana kuti timeɗure ciŋgwa, Pauro akataurirana naʋo, aciɗa kuenda maŋgwana; akaramba aciparidza shoko kuȿikira pakati poʋusiku. 8Kwakaŋga kunemŋenje mizhinji muimba yokumsoro, matakaŋga taʋuŋgana. 9Ɀino pawindi pakaŋga pagere rimŋe jaya, rainzi Yutiko, rikaɓatwa nehope kwaɀo; ɀino Pauro, wakati aciŋgoramba aciparidza, iye akaɓatwa nehope, akawira pasi, acibva paimba yecitatu yokumsoro, akasimudzwa afa. 10Ipapo Pauro akaɓuruka, akaɀiwisira pamsoro pake, akamufuŋgatira, akati: Musaita ɓopoto, nokuti mŋeya wake uciri maari. 11Akakwira, akameɗura ciŋgwa, akadya, akataura naʋo ŋguʋa refu kuȿikira kuciedza, ndokuenda. 12Ʋakaʋuya nomukomana ari mupenyu, ʋakanyaradzwa kwaɀo.
13Asi isu takatuŋgamirira kucikepe, tikaenda Aso, ticiɗa kutora Pauro ipapo, nokuti wakaŋga araira saiɀoɀo, iye aciɗa kufamba namakumbo. 14Takati tasoŋgana naye paAso, tikamutora, tikandoȿika Mitirene; 15tikabva ipapo necikepe, fume maŋgwana tikaȿika pakatarisana neKiyo; fume maŋgwana tikapfuʋura napaSamo; fume maŋgwana ɀe tikaȿika Mireto. 16Nokuti Pauro wakaŋga ati: Ndicapfuʋura Efeso necikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakaŋga acikurumidza kuti kana aiɀigona aʋe Jerusarema nezuʋa rePentekosta.
Pauro unoraira ʋakuru ʋeEfeso.
17Ɀino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundoɗana ʋakuru ʋekereke. 18Ʋakati ʋaȿika kwaari, akati kwaʋari:
Imi munoziʋa mugarire waŋgu pakati penyu ŋguʋa dzose, kubva pazuʋa rokutaŋga randakaȿika naro paAsia; 19ndiciɓatira Ishe nokuɀininipisa ɀikuru, nemisodzi, namaɗambudziko akandiwira neraŋgano dzakaipa dzaʋaJuda; 20kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose; 21ndicipupurira kwaɀo ʋaJuda naʋaGiriki, kuti ʋatendeʋukire kunaMŋari, nokutenda kunaShe weɗu Jesu. 22Ɀino tarirai, ndinoenda Jerusarema, ndasuŋgwa mŋeya waŋgu, ndisiŋgaziʋi ɀicandiwira ikoko; 23asi kuti Mŋeya Mutȿene unondipupurira kwaɀo muguta rimŋe nerimŋe, kuti kusuŋgwa nenhamo ɀakandigarira. 24Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari. 25Ɀino tarirai, ndinoziʋa kuti imi mose, ʋandakafamba pakati penyu, ndiciparidza ʋushe bgaMŋari, hamucazoʋoni ciso caŋgu. 26Naiɀoɀo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakacena paropa raʋanhu ʋose. 27Nokuti handina‐kutya kukuparidzirai kuɗa kwose kwaMŋari. 28Ɀicenjerei imi, neɓoka rose ramakaitirwa ʋatariri ʋaro noMŋeya Mutȿene, kuti mufudze kereke yaMŋari, yaakateŋga neropa rake. 29Ini ndinoziʋa kuti kana ndaenda, mapere anoparadza acapinda pakati penyu, asiŋgaregi ɓoka. 30Ʋuye, napakati penyu pamene pacamuka ʋarume, ʋacataura ɀinopesanisa, kuti ʋatsause ʋadzidzi ʋaʋateʋere. 31Naiɀoɀo rindai, muraŋgarire kuti makore matatu handina‐kurega ʋusiku namasikati kuraira mumŋe nomumŋe nemisodzi. 32Ɀino ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuʋakisai, nokukupai nhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene ʋose. 33Handinakucocora sirveri, kana ndarama, kana ŋguʋo dzomunhu mumŋe. 34Munoziʋa imi mumene, kuti maʋoko awa akaɓatira kushaiwa kwaŋgu nokwaʋanhu ʋandaiʋa naʋo. 35Paɀinhu ɀose ndakakuratidzai, kuti muciɓata muciɗai, munofanira kuɓatsira ʋasinesimba, nokuraŋgarira mashoko aShe Jesu, seɀaakataura amene aciti: Kupa kunomufaro caiwo kupfuʋura kugamucira.
36Wakati ataura iɀoɀo, akafugama, akanyeŋgetera naʋo ʋose. 37Ʋakacema ɀikuru ʋose; ʋakawira pamutsipa waPauro, ʋakawonekana naye nokumuȿeta, 38ʋaneshuŋgu kwaɀo neshoko raakataura rokuti haʋacazoʋoni ciso cake. Ipapo ʋakamuperekedzera kucikepe.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: