ƲaKorose 4
4
1Madzishe, itirai ʋaranda ʋenyu ɀakarurama, ɀakariŋgana; muziʋe kuti nemi ʋo munaShe kuɗeŋga.
Nyeŋgeterai, mucenjere pamufambire wenyu namashoko enyu.
2Tsuŋgirirai pakunyeŋgetera, murinde pakuri nokuʋoŋga; 3mutinyeŋgeterere nesu ʋo kamŋe, kuti Mŋari atizarurire mukoʋa weshoko, titaure cakaʋanzika caKristu, candakasuŋgirwa ico; 4kuti ndiciratidze, seɀandinofanira kutaura. 5Fambai nokucenjera kunaʋari kunze, muciŋgwarira ŋguʋa yenyu. 6Kutaura kwenyu ŋgakuʋe nenyasha ŋguʋa dzose, kwakaruŋgwa nomunyu, kuti muziʋe kupindura mumŋe nomumŋe seɀamunofanira kuita.
Unotuma Tikiko naOnesimo.
7Mucaziʋiswa ɀaŋgu ɀose naTikiko, hama inoɗikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamŋe cete neni munaShe. 8Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muziʋe ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu; 9pamŋe cete naOnesimo, hama yakatendeka, inoɗikanwa, mumŋe wokwenyu. Iʋo ʋacakuziʋisai ɀose ɀapano.
Kuwonekana.
10Aristarko, musuŋgwa pamŋe cete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBarnabasi, (makarairwa pamsoro pake; kana aciȿika, mumugamucirei); 11naJesu, unonzi Justo, ʋari ʋokudziŋgiswa; ndiʋaʋa ɓedzi ʋanoɓata neni paʋushe bgaMŋari, iʋo ʋakandinyaradza. 12Epafrasi, mumŋe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, acirwa ŋguʋa dzose pakunyeŋgetera nokuɗa kwenyu, kuti mumire makakwana, muciziʋa kwaɀo kuɗa kwose kwaMŋari. 13Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika ɀikuru nokuɗa kwenyu, naʋeRaodikia, naʋeHirapori. 14Ruka, ŋaŋga inoɗikanwa, naDemasi, ʋanokukwazisai. 15Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba maʋo. 16Kana ŋwadi iyi yarabga pakati penyu, ŋgairabge ʋo mukereke yaʋaRaodikia; imi ʋo muraʋe ŋwadi inobva Raodikia. 17Ʋudzai Arkipo, muti: Tarira ɓasa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwaɀo. 18Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. Raŋgarirai kusuŋgwa kwaŋgu. Nyasha ŋgadziʋe nemi.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaKorose 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018