Danieri 10
10
Danieri unoratidzwa ɀicazoitika naʋanhu ʋaJehova.
1Negore recitatu raKoreshi mambo wePersia, cimŋe cinhu cakaratidzwa Danieri, wainzi Berteshazari; cinhu ico cakaŋga ciri caɀokwaɗi, ciri cokurwa kukuru; akanzwisisa cinhu ico, nokuziʋa kuɗudzirwa kweɀaakaratidzwa. 2Namazuʋa iwayo ini Danieri ndakaŋga ndicicema viki nhatu dzose. 3Ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya ɀinozipa, kunyaŋge nenyama newaini haɀina‐kupinda mumuromo maŋgu, ʋuye handina‐kutoŋgozora mafuta kuȿikira viki nhatu dzose dzapera. 4Ɀino nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wokutaŋga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidekeri, 5ndikarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akapfeka muceka, akasuŋgwa ciʋuno cake nendarama yakaiȿo‐naka yeUfazi; 6muʋiri wake wakaŋga wakaita seberiri, ciso cake cakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maʋoko ake netsoka dzake ɀakaŋga ɀakafanana nendarira yakakweshwa, ʋuye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwaʋazhinji. 7Ɀino ini Danieri ndakaʋona iɀo ɀakaratidzwa ini ndoga; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaneni haʋana‐kuʋona ɀakaratidzwa; asi ʋakaɓatwa nokuɗeɗera kukuru, ʋakatiza kundoʋanda. 8Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaʋona cinhu ici cikuru candakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kweciso caŋgu kwakashanduka kuipa mukati maŋgu, ndikasazoʋa nesimba. 9Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; ɀino ndakati ndicinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikaɓatwa nehope kwaɀo ndiʋete paciso caŋgu, ciso caŋgu cakatarira pasi. 10Ipapo tarira, ruʋoko rwakandiɓata, rukandimisa namabvi aŋgu neɀanza ɀamaʋoko aŋgu ndicidzedzereka. 11Akati kwandiri: Iwe Danieri, murume unoɗikanwa kwaɀo, cinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwaɀo; nokuti ndatumŋa kwauri iwe ɀino. Wakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndiciɗeɗera. 12Ipapo akati kwandiri: Usatya Danieri, nokuti kubva pazuʋa rokutaŋga rawakafuŋga nomŋoyo wako wose kunzwisisa nokuɀininipisa pamberi paMŋari wako, mashoko ako akanzwika; ndaʋuya nokuɗa kwamashoko ako. 13Asi mucinda woʋushe bgaʋaPersia wakandidziʋisa mazuʋa anamakumi maʋiri nerimŋe; asi tarira, Mikaeri, mumŋe wamacinda makuru, wakaʋuya kuzondiɓatsira, ndikasara’ko kunamadzimambo aʋaPersia. 14Ɀino ndaʋuya kuzokuziʋisa ɀicaitirwa ʋanhu ʋako namazuʋa okupedzisira; nokuti ɀawakaratidzwa ndeɀamazuʋa mazhinji aci’ko. 15Ɀino wakati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi neciso caŋgu, ndikashaiwa shoko. 16Ipapo tarira, mumŋe wakafanana naʋanakomana ʋaʋanhu akagunɀa miromo yaŋgu; ɀino ndikashamisa muromo waŋgu, ndikataura, ndikati kunaiye wakaŋga amire pamberi paŋgu: Haiwa, ishe waŋgu, ndaɓatwa nokutya kukuru, handicinesimba nokuɗa kweɀandakaratidzwa. 17Nokuti muranda washe waŋgu uyu uŋgataura seiko nashe waŋgu uyu? Nokuti kana ndiri’ni, pakarepo ndakasara ndisinesimba, ʋuye ndakaŋga ndisisina‐mŋeya mukati maŋgu. 18Ipapo mumŋe wakafanana nomunhu wakandiɓata ɀe, akandisimbisa. 19Akati: Iwe murume unoɗikanwa kwaɀo, usatya hako; rugare ruʋe newe, iʋa nesimba, iʋa nesimba. Ɀino wakati acitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati: Ishe waŋgu ŋgaataure hake, nokuti makandisimbisa. 20Ɀino akati: Unoziʋa candakaʋuyira kwauri here? Ɀino ndicadzokera kundorwa nomucinda wePersia; kana ndabva’po, tarira, mucinda weGirisi ucaʋuya. 21Asi ndicakuʋudza ɀakanyorwa murugwaro rwaɀokwaɗi; asi hakuna‐unoɀisimbisa kundorwa naʋaʋa pamŋe cete neni, asi Mikaeri mucinda wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Danieri 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: