Muparidzi 11
11
Itai ɀakanaka paŋguʋa dzose.
1Kandira ɀokudya ɀako pamsoro pemvura, nokuti ucaɀiwana ɀe mazuʋa mazhinji apfuʋura. 2Goʋerana naʋanomŋe, kunyaŋge naʋasere ʋo, nokuti hauziʋi ɀakaipa ɀakaɗini ɀiŋgaʋa panyika. 3Kana makore azara nemvura, anoiɗururira panyika; ʋuye kana muti ukawira pasi kurutiʋi rwezasi, kana rwokumsoro, ipo panowira muti ndi’po paucaʋata. 4Unogara acicerekedza mhepo haaŋgakushi; ʋuye unotarira makore, haaŋgaceki. 5Seɀausiŋgaziʋi mufambire wemhepo, kana mukurire wamafupa muɗumbu romukadzi unemimba, saiɀoɀo ʋo hauziʋi ɓasa raMŋari, unoita ɀose. 6Kusha mbeu dzako maŋgwanani, usabvisa ruʋoko rwako maɗekwana; nokuti hauziʋi kuti cicakura ndecipi, kana ici kana ico, kana ɀimŋe ɀiʋiri ɀose ɀicafanana pakunaka. 7Ɀirokwaɀo, ciedza cakanaka, ʋuye meso anofara nokuʋona zuʋa. 8Ɀirokwaɀo, kana munhu akararama makore mazhinji, ŋgaafarire ose; asi ŋgaaraŋgarire mazuʋa erima, kuti acaʋa mazhinji; ɀose ɀinozoʋuya haɀinamaturo.
Munhu ŋgaafarire ɀose, asi ŋgaaraŋgarire Musiki wake paʋuɗuku bgake.
9Fara hako, iwe jaya, paʋuɗuku bgako, mŋoyo wako ŋgaukufadze pamazuʋa oʋujaya bgako; famba nenzira dzomŋoyo wako, napakuʋona kwameso ako; asi uziʋe kuti Mŋari ucazokutoŋga pamsoro paiɀoɀo ɀose. 10Dziŋga ɀinonetsa pamŋoyo pako, ubvise ɀakaipa panyama yako, nokuti ʋuɗuku noʋujaya haɀinamaturo.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018