Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Estere 8

8
ƲaJuda ʋanotenderwa kuɀirwira.
1Ɀino pazuʋa iro mambo Ahashveroshi wakapa ʋahosi Estere imba yaHamani, iye muʋeŋgi waʋaJuda. Mordekai akaȿika pamberi pamambo, nokuti Estere wakaŋga aʋudza mambo kuti cinyi cake. 2Mambo akabvisa cindori cake caakaŋga atora panaHamani, akacipa Mordekai. Estere ndokuita Mordekai mutariri weimba yaHamani. 3Estere akataura ɀe pamberi pamambo, akaɀiwisira pasi pamakumbo ake, akacema kwaari nemisodzi kuti aparadze zano rakaipa raHamani muAgagi, nezano rake raakaŋga afuŋga pamsoro paʋaJuda. 4Mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama. Ipapo Estere akasimuka akamira pamberi pamambo. 5Akati: Kana mambo acifara naɀo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo aciti ɀakanaka, ini ndikamufadza haŋgu, ŋwadi ŋgadzinyorwe dzicashandura ŋwadi dzaiʋa nezano raHamani mŋanakomana waHamedata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza ʋaJuda ʋari pamatiʋi ose enyika yamambo; 6nokuti ini ndiŋgagona seiko kuʋona ɀakaipa ɀicaitirwa ʋanhu ʋaŋgu? Ndiŋgagona seiko kuʋona kuparadzwa kwaʋanhu ʋaŋgu! 7Ipapo mambo Ahashveroshi akati kunaʋahosi Estere naMordekai muJuda: Tarirai ndapa Estere imba yaHamani, asi iye ʋakamusuŋgirira pamatanda, nokuti wakaɗa kuʋuraya ʋaJuda. 8Ɀino imi ʋo cinyorerai ʋaJuda, seɀamunoɗa, nezita ramambo, muɀisimbise necindori camambo; nokuti rugwaro rwakanyorwa nezita ramambo, rukasimbiswa necindori camambo, haruŋgashandurwi nomunhu. 9Ɀino ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa paŋguʋa iyo, pamŋedzi wecitatu, uri mŋedzi weSivani, pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu; ʋakanyora ɀose Mordekai ɀaakaraira ʋaJuda, namacinda makuru, naʋaɓati, namacinda amatiʋi enyika, kubva paIndia kuȿikira paEtiopia, matiʋi enyika anezana namakumi maʋiri namanomŋe, rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo, naʋaJuda nomunyorere waʋo ʋuye norurimi rwaʋo. 10Akanyora nezita ramambo Ahashveroshi, akadzisimbisa necindori camambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakataȿa mabiza, dzakataȿa mabiza aimhanyisa kwaɀo paɓasa ramambo, akaɓerekwa paɀipfuwo ɀamambo. 11Mambo akatendera paŋwadi idzo ʋaJuda paguta rimŋe nerimŋe kuʋuŋgana, nokurwira ʋupenyu bgaʋo, ʋaparadze, ʋaʋuraye, ʋapedze simba rose raʋanhu neramatiʋi enyika kana ʋaiɗa kuʋaʋamba iʋo naʋanana ʋaʋo naʋakadzi ʋaʋo, ʋuye ʋatore nhumbi dzaʋo ʋadzipambare, 12ɀose ɀiitwe pazuʋa rimŋe pamatiʋi ose enyika yose yamambo Ahashveroshi, iro zuʋa regumi namatatu romŋedzi wegumi nemiʋiri, uri mŋedzi weAdari. 13Mashoko orugwaro urwu akatumŋa kuʋanhu ʋose, kuti cireʋo ciparidzwe pamatiʋi ose enyika, kuti ʋaJuda ʋaɀigadzirire zuʋa iro ʋatsiʋe ʋaʋeŋgi ʋaʋo. 14Naiɀoɀo nhume, dzakataȿa mabiza anomhanyisa kwaɀo paɓasa ramambo, dzakaenda dzicicimbidzikiswa nokukurudzirwa nomurairo wamambo; cireʋo ico cikatemŋa paShushani nhare yamambo. 15Mordekai akaɓuɗa pamberi pamambo, akafuka ŋguʋo dzoʋushe, nhema necena, akadzika korona huru yendarama, aneŋguʋo yomuceka wakaiȿo‐naka mushaʋa; guta reShushani rikapururudza, rikafara. 16ƲaJuda ʋakaʋa neciedza, nomufaro, nokufara kukuru, nokukudzwa. 17Ɀino parutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, napaguta rimŋe nerimŋe, pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, ʋaJuda ʋakafara nomufaro mukuru, ʋakaita mutambo nezuʋa romufaro. Ʋanhu ʋazhinji pakati pendudzi dzaʋanhu dzenyika ʋakazoʋa ʋaJuda; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaJuda kwaɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

Estere 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda