Eksodo 19
19
ƲaIsraeri ʋanoȿika kugomo reSinai.
1Nomŋedzi wecitatu wokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita, nezuʋa iro ʋakaȿika murenje reSinai. 2Ʋakati ʋabva paRefidimi, ʋakaȿika murenje reSinai, ʋakadzika matente aʋo murenje; ʋaIsraeri ʋakaʋaka’po misasa pamberi pegomo. 3Ɀino Mosesi akakwira kunaMŋari, Jehova ari mugomo akamuɗana, akati: Unofanira kutaura kuɗai kunaʋeimba yaJakobo, uʋudze ʋana ʋaIsraeri, uti: 4Makaʋona ɀandakaitira ʋaEgipita, ʋuye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakuȿitsai kwandiri. 5Naiɀoɀo ɀino kana mukaterera inzwi raŋgu nomŋoyo wose, mukaceŋgeta suŋgano yaŋgu, mucaʋa fuma yaŋgu caiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyaŋgu; 6mucaʋa kwandiri ʋushe bgaʋaprista, norudzi rutȿene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoʋudza ʋana ʋaIsraeri. 7Ɀino Mosesi akadzoka, akaɗana ʋakuru ʋaʋanhu, akaisa pamberi paʋo mashoko iwayo ose, aakaŋga arairwa naJehova. 8Ipapo ʋanhu ʋose ʋakapindura pamŋe cete, ʋaciti: Ɀose ɀataurwa naJehova ticaɀiita. Mosesi akandoʋudza Jehova mashoko aʋanhu. 9Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira ndinoʋuya kwauri mugore gobvu, kuti ʋanhu ʋanzwe kana ndicitaura newe, ʋagotenda misi yose. Mosesi akaʋudza Jehova mashoko aʋanhu. 10Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Enda kuʋanhu, uʋatsaure nhasi namaŋgwana, ʋasuke ŋguʋo dzaʋo, 11ʋagare ʋakaɀigadzira nezuʋa retatu, nokuti nezuʋa retatu Jehova ucaɓuruka pamberi paʋanhu ʋose pamsoro pegomo reSinai. 12Iwe utarire ʋanhu miganhu yakaʋapoteredza, uti kwaʋari: Cenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kuɓata jiŋga raro; aninani unoɓata gomo ucaʋurawa ɀirokwaɀo; 13ngaarege kuɓatwa noruʋoko, asi atakwe ɀirokwaɀo namabge, kana afurwe; kana ciri cipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda iciramba icirira, ŋgaʋakwire mugomo. 14Ɀino Mosesi akaɓuruka mugomo, akaenda kuʋanhu, akatsaura ʋanhu; iʋo ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo. 15Akati kuʋanhu: Garai makaɀigadzira nezuʋa retatu; musasweɗera kumukadzi. 16Ɀino nezuʋa retatu kwoedza kutinhira kukaʋa’po pamsoro pegomo, nemheni, negore ɗema, nenzwi rehwamanda rinesimba guru; ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pamisasa ʋakaɗeɗera. 17Ɀino Mosesi akaʋudza ʋanhu kuti ʋaɓuɗe pamisasa ʋasoŋgane naMŋari, ʋamire pajiŋga regomo. 18Gomo rose reSinai rakaŋga ricipfuŋgaira, nokuti Jehova wakaŋga aɓurukira pamsoro paro mumŋoto; ʋutsi bgaro ʋukakwira soʋutsi bgeʋira; gomo rose rikazunuŋguka kwaɀo. 19Ɀino inzwi rehwamanda rakati ricirira nokurira kwaɀo, Mosesi akataura, Mŋari akamupindura nenzwi. 20Ipapo Jehova akaɓurukira pamsoro pegomo reSinai, Jehova akaɗana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira 21Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ƃuruka, undoraira ʋanhu kuti ʋarege kupaza kunaJehova kundotarira, kuti ʋazhinji ʋaʋo ʋarege kufa. 22Naʋaprista ʋanosweɗera kunaJehova, ŋgaʋaɀitsaure, kuti Jehova arege kuʋaparadza. 23Mosesi akati kunaJehova: Ʋanhu haʋaŋgagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muciti: Tarai miganhu pagomo, muritsaure. 24Jehova akati kwaari: Enda uɓuruke, mukwire ɀe, iwe naAroni, anewe; asi ʋaprista naʋanhu ŋgaʋarege kupaza kunaJehova, kuti arege kuʋaparadza. 25Ipapo Mosesi akaɓurukira kuʋanhu, akandoʋaʋudza.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: