Eksodo 20
20
Mirairo inegumi.
1Ɀino Mŋari wakataura mashoko awa ose, akati:
2Ndini Jehova, Mŋari wako, wakakubvisa munyika yeEgipita, muimba yoʋuranda.
3Usaʋa naʋamŋe ʋamŋari kunze kwaŋgu.
4Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika. 5Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga; 6ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu.
7Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina.
8Raŋgarira zuʋa resaɓata, kuti uriceŋgete riʋe dɀene. 9Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose; 10asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako; 11nokuti namazuʋa matanhatu Jehova wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, akazorora nezuʋa recinomŋe; naiɀoɀo Jehova wakaropafadza zuʋa resaɓata akariita dɀene.
12Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
13Usaʋuraya.
14Usaita ʋupombge.
15Usaɓa.
16Usapupurira wokwako nhema.
17Usaciʋa imba yowokwako, usaciʋa mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mboŋgoro yake, kana cimŋe cowokwako.
18Ʋanhu ʋose ʋakaʋona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfuŋgaira, ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona iɀoɀo, ʋakaɗeɗera ʋakamira kure. 19Ʋakati kunaMosesi: Imi citaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mŋari ŋgaarege kutaura nesu, tirege kufa. 20Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, nokuti Mŋari wakaʋuya kuzokuidzai, kuti mugare mucimutya, murege kutadza. 21Ʋanhu ʋakamira kure, Mosesi akasweɗera kurima guru kwakaŋga kunaMŋari.
22Jehova akati kunaMosesi: Iti kuʋana ʋaIsraeri: Imi makaʋona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kuɗeŋga. 23Musaita ʋamŋe ʋamŋari pamŋe cete neni; musaɀiitira ʋamŋari ʋesirveri kana ʋamŋari ʋendarama. 24Undiitire artari yevu, uɓayire pamsoro payo ɀipiriso ɀako ɀinopiswa neɀipiriso ɀako ɀokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panɀimbo imŋe neimŋe pandicaraŋgaridza zita raŋgu, ndicaʋuya’po kwauri, ndicikuropafadza. 25Ɀino kana ucindiʋakira artari yamabge, urege kuiʋaka namabge akaʋezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamsoro pebge, wariȿiɓisa. 26Rega kukwira ʋo kuartari yaŋgu neɀikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018