Eksodo 22
22
Mirairo pamsoro peɀaʋamŋe.
1Kana munhu akaɓa nzombe kana gwai, akaɀiʋuraya, kana akaɀiteŋgesa, unofanira kuripa nenzombe shanu panzombe imŋe, namakwai manna pagwai rimŋe. 2Kana mbava ikaɓatwa icipaza, ikarobga, ikafa, wamuʋuraya haaŋgaʋi nemhoȿa paropa rake. 3Asi kana zuʋa rakaŋga ramuɓuɗira, ucaʋa nemhoȿa paropa rake, unofanira kuripa; kana asinecinhu unofanira kuteŋgeswa nokuɗa kwokuɓa kwake. 4Kana caakaŋga aɓa cikawanikwa muruʋoko rwake ciciri cipenyu, kana iri nzombe, kana mboŋgoro, kana gwai, unofanira kuripa kaʋiri.
5Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiriŋga, akasundira cipfuwo cake, cikandodya munda womumŋe, unofanira kuripa neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake, neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake wemizambiriŋga.
6Kana mŋoto ukaɗarikira, ukaɓata minzwa, ukapisa murwi weɀiyo, kana ɀiyo ɀiciri mumunda, kana munda umene, iye wakatuŋgidza mŋoto unofanira kuripa.
7Kana munhu aciŋge apa wokwake mari kana nhumbi kuti aɀiceŋgete, ɀikaɓiwa mumba momunhu uyo, mbava, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaʋiri. 8Kana mbava ikasawanikwa, muridzi weimba unofanira kusweɗera kunaMŋari, kuti ɀiʋonekwe kana iye asina‐kuisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake, 9pamhaka dzose dzokuɗarika, kana iri yenzombe, kana yemboŋgoro, kana yegwai, kana yecokufuka, kana yecinhu cipi necipi cakarashika, kana ɀikanzi, Ndico! mhaka yaʋose ʋaʋiri inofanira kuʋuya pamberi paMŋari; uyo unopiwa mhoȿa naMŋari unofanira kuripira wokwake kaʋiri.
10Kana munhu akapa wokwake mboŋgoro, kana nzombe, kana gwai, kana cimŋe cipfuwo, kuti aciceŋgete, cikafa, kana kukuʋara, kana kutinhwa asinakuɀiʋona; 11iʋo ʋaʋiri ŋgaʋapikirane pamberi paJehova, kuti ɀiʋonekwe kana akaisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi waɀo ŋgaatende naɀo, iye arege kuripa. 12Asi kana ɀikaɓiwa ɀiri kwaari, unofanira kuripira muridzi waɀo 13Kana ɀikabvamburwa necikara, ŋgaaʋuye naɀo ciʋe capupu; haafaniri kuripa ɀabvamburwa.
14Kana munhu aciŋge akumbira cinhu kunowokwake, cikakuʋara, kana kufa, muridzi waco asisi’po, ɀirokwaɀo unofanira kuciripa. 15Kana muridzi waco ari’po, haafaniri kuripa; kana ciri cinhu cairipirwa, muripo waco waʋuya panɀimbo yaco.
16Kana munhu aciŋge anyeŋgedzera musikana usina‐kunyeŋgwa, akaʋata naye, ɀirokwaɀo unofanira kumuroʋora, aʋe mukadzi wake. 17Kana ɓaɓa ʋake ʋakaramba cose kumupa iye, unofanira kuripa mari yakaenzana neroʋoro yaʋasikana.
18Usarega muroyi ari mupenyu.
19Aninani unoʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
20Unoɓayira mumŋe mŋari, asi Jehova cete, unofanira kuparadzwa cose. 21Usaitira mutorwa ɀakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemi ʋo maiʋa ʋatorwa munyika yeEgipita. 22Usatambudza cirikadzi kana nherera. 23Kana ukatoŋgoʋatambudza, ʋakaɗana kwandiri, ndicaterera kuɗana kwaʋo; 24kutsamŋa kwaŋgu kucamuka, ndikakuʋurayai nomunondo: ʋakadzi ʋenyu ʋacaʋa cirikadzi, naʋana ʋenyu nherera.
25Kana ukapa mumŋe waʋanhu ʋaŋgu ʋaunaʋo cikwerete cemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wecikwerete; usareʋa mhindu kwaari. 26Kana ukatoŋgotora ŋguʋo yowokwako ruʋe ruɓatso, unofanira kuidzosera kwaari zuʋa roʋira; 27nokuti ndico cokufuka cake coga, iŋguʋo yake yaanofukidza nayo ganda rake; ucaʋata neiko? Kana iye akaɗana kwandiri, ndicamunzwa, nokuti ndinetsitsi.
28Usatuka Mŋari, kana kushuridzira muɓati pakati paʋanhu ʋako. 29Usanonoka kupa Mŋari ɀimŋe kuneɀizhinji ɀeɀiyo ɀako neɀinonwiwa. Undipe ɗaŋgwe raʋana ʋako ʋaʋakomana. 30Uite ʋo saiɀoɀo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuʋa manomŋe namai ʋaro, ugondipa iro nezuʋa rorusere. 31Imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋatȿene kwandiri; naiɀoɀo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa neɀikara kusaŋgo, muikandire imbga.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: