Eksodo 25
25
Ʋanhu ʋanorairwa kuʋuya neɀipo ɀaʋo ɀokuʋaka tabernakeri naɀo.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri kuti ʋandipe cipo; munditorere cipo kunomumŋe nomumŋe unoɗa kundiitira iɀoɀo nomŋoyo wake. 3Ndico cipo camunofanira kutora kwaʋari: Ndarama, nesirveri, nendarira, 4neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemʋere dzembudzi, 5namatebge amakondobge akazodzwa ɀitȿuku, namatebge amatenhe, namatanda omuakasia, 6namafuta emŋenje, neɀinonhuwira ɀamafuta okuzodza, noʋupfu ʋunonhuwira, 7neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa paefodi napahomboɗo yecifuʋa. 8Ŋgaʋandiitire nɀimbo tȿene, kuti ndigare pakati paʋo; 9seɀandicakuratidza ɀose, iwo mufananidzo wetabernakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saiɀoɀo.
Areka yesuŋgano.
10Ŋgaʋaite areka yamatanda omuakasia, kureɓa kwayo kunofanira kuʋa makubiti#25:10 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. maʋiri nehafu, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe nehafu, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu. 11Unofanira kuifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, uifukidze necomukati necokunze, uite pamsoro payo ʋo hata yendarama inoipotedza. 12Uiʋumbire ɀindori ɀinna ɀendarama, uɀiise pamakumbo ayo manna, ɀindori ɀiʋiri ɀiʋe parutiʋi rumŋe, neɀindori ɀiʋiri panorumŋe rutiʋi. 13Uʋeze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama. 14Ugopinza matanda iwayo muɀindori ɀiri panhiʋi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. 15Matanda anofanira kugara muɀindori ɀeareka, ŋgaarege kubviswa kwaɀiri. 16Ɀino unofanira kuisa mukati meareka cipupuriro candicakupa. 17Uite ʋo cifunhiro cokuyananisa nendarama yakaiȿo‐naka; kureɓa kwaco makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgaco kubiti rimŋe nehafu. 18Uite ʋo makerubi maʋiri endarama, uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miʋiri yecifunhiro cokuyananisa. 19Ita kerubi rimŋe pamuromo mumŋ nerimŋe kerubi panomumŋe muromo; uite makerubi pamiromo yaco miʋiri ɀiʋe cinhu cimŋe necifunhiro cokuyananisa. 20Makerubi atambanudzire mapapiro awo kumsoro, akafukidza cifunhiro cokuyananisa namapapiro awo, ɀiso ɀawo ɀakatarisana; ɀiso ɀamakerubi ŋgaɀitarire kucifunhiro cokuyananisa. 21Uise cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka, ugoisa mukati meareka cipupuriro candicakupa. 22Ndi’po pandicasoŋgana newe, nditaure newe, ndiri pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, ndiri pakati pamakerubi maʋiri ari pamsoro peareka yecipupuriro, ndikuʋudze ɀose ɀandicakupa, kuti uraire ʋanhu ʋaIsraeri.
Tafura yeɀiŋgwa ɀokuratidza.
23Ita ʋo tafura yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo makubiti maʋiri, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu. 24Uifukidze nendarama yakaiȿo‐naka, ugoiitira ʋo hata yendarama inoipotedza. 25Uiitire ʋukomba ʋunoipotedza, ʋunoʋupamhi sobgecanza, ugoiitira ʋo hata yendarama inopotedza ʋukomba bgayo. 26Uiitire ɀindori ɀinna ɀendarama, ugoisa ɀindori pamakona manna ari pamakumbo ayo manna. 27Ɀindori ɀiʋe pedyo noʋukomba, paʋe pokutakura tafura napo namatanda. 28Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo. 29Uite ʋo midziyo yayo, nembiya dzayo, neɀiroŋgo ɀayo, nemikombe yayo yokuɗira nayo; uɀiite nendarama yakaiȿo‐naka. 30Misi yose unofanira kuisa pamberi paŋgu patafura ciŋgwa cokuratidza.
Cigadziko cemŋenje cendarama.
31Unofanira kuita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; cigadziko ciitwe nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, neɀimbiya ɀaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ŋgaɀiitwe ciʋe cinhu cimŋe naco; 32kumatiʋi aco ŋgakuɓuɗe mataʋi matanhatu; mataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco, namataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco. 33Ŋgapaʋe neɀimbiya ɀitatu ɀakaʋumbga samaruʋa omuamanda paɗaʋi rimŋe, nefundo, neruʋa, neɀimbiya ɀitatu ɀakaʋumbga samaruʋa omuamanda panerimŋe ɗaʋi, nefundo, neruʋa: saiɀoɀo mataʋi matanhatu anoɓuɗa pacigadziko; 34ʋuye pacigadziko paʋe neɀimbiya ɀinna ɀakaʋumbga samaruʋa omuamanda, namafundo aɀo, namaruʋa aɀo; 35nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, nefundo panyasi pamamŋe mataʋi akaʋumbga pamŋe cete naco, nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, akafanana namataʋi matanhatu anoɓuɗa pacigadziko. 36Mafundo aɀo namataʋi aɀo ŋgaɀiʋe pamŋe cete naɀo; ɀose ɀiʋe cinhu cimŋe cakaʋumbga nendarama yakaiȿo‐naka yakapambadzirwa. 37Uite ʋo mŋenje yaco minomŋe; ʋagotuŋgidza mŋenje yaco, kuti ivenekere pamberi paco. 38Nembato dzaco, nendiro dzaco, nemŋenje yaco, ɀiʋumbge nendarama yakaiȿo‐naka. 39Ŋgaɀiʋumbge netarenta rendarama#25:39 Mari ineŋge £5460. yakaiȿo‐naka, pamŋe cete nemidziyo iyo yose. 40Ucenjerere kuti uɀiite nomufananidzo waɀo wawakaratidzwa pagomo.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018