Eksodo 5
5
Mosesi naAroni pamberi paFarao. ƲaIsraeri ʋanonyanya kunetswa.
1Shure kwaiɀoɀo Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakati kunaFarao: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, kuti ʋandiitire mutambo murenje. 2Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda. 3Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo. 4Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu. 5Farao akati: Tarirai, ʋanhu ʋenyika ino ʋatoʋa ʋazhinji, ɀino imi moɗa kuʋazorodza pamirimo yaʋo. 6Nomusi iwoyo Farao akaraira ʋarairi ʋamaɓasa aʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, akati: 7Musaramba mucipa ʋanhu ʋuswa bgokuita ɀitina nabgo, seɀamakaita kuȿikira ɀino; ŋgaʋaende ʋandoɀiʋuŋganidzira ʋuswa ʋamene. 8Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu. 9Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema. 10Ipapo ʋarairi ʋamabasa aʋanhu naʋatariri ʋaʋo ʋakaɓuɗa, ʋakataura naʋanhu, ʋakati: Ɀanzi naFarao: Handicakupiyi ʋuswa. 11Endai mumene mundoɀitorera ʋuswa pamuŋgaʋuwana, nokuti ɓasa renyu haritapudzwi. 12Ɀino ʋanhu ʋakapararira kunyika yose yeEgipita kuzoʋuŋganidza mashaŋga panɀimbo yoʋuswa. 13Ʋarairi ʋamaɓasa ʋakaʋakurudzira, ʋaciti: Pedzai ɓasa renyu, maɓasa amaifanira kuita mazuʋa ose mucinoʋuswa. 14Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino? 15Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu? 16Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu. 17Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova. 18Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa. 19Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose. 20Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao; 21ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo. 22Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko? 23Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: