Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 7

7
1Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndakuita samŋari kunaFarao; Aroni, mukoma wako, ucaʋa muprofita wako. 2Taura ɀose ɀandinokuraira; Aroni, mukoma wako, ucataura naFarao, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri, ʋaɓuɗe munyika yake. 3Ini ndicawomesa mŋoyo waFarao, ndicawanza ɀiratidzo ɀaŋgu neɀishamiso ɀaŋgu panyika yeEgipita. 4Asi Farao haaŋgakutereriyi; ipapo ndicaisa ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndikaɓuɗisa hondo dzaŋgu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri, munyika yeEgipita nokutoŋga kukuru. 5ƲaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndicitambanudza ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndicibvisa ʋana ʋaIsraeri pakati paʋo. 6Mosesi naAroni ʋakaita saiɀoɀo; seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaita saiɀoɀo. 7Mosesi wakaŋga anamakore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, paŋguʋa yaʋakataura naFarao.
8Ɀino Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: 9Kana Farao acitaura nemi, akati: Tiratidzei cinoshamisa, uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka. 10Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, Aroni akakandira tȿimbo yake pasi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, ikashanduka nyoka. 11Ipapo Farao akaɗana ʋo ʋakacenjera naʋaroyi; naiʋo ʋo, idzo ŋaŋga dzeEgipita, ʋakaita saiɀoɀo noʋuroyi bgaʋo. 12Nokuti mumŋe nomumŋe wakakandira pasi tȿimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tȿimbo yaAroni yakamedza tȿimbo dzaʋo. 13Ɀino mŋoyo waFarao ukawomeswa, akasaʋaterera; seɀakarebga naJehova.
Ƌambudziko rokutaŋga: Mʋura inoshandurwa ropa.
14Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Mŋoyo waFarao mukukutu, haaɗi kutendera ʋanhu kuenda. 15Enda kunaFarao maŋgwanani; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usoŋgane naye, wakaɓata muruʋoko rwako tȿimbo iya yakashanduka nyoka. 16Ugoti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakandituma kwauri, aciti: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate murenje; ɀino tarira, kuȿikira ɀino hauna‐kunditerera. 17Ɀanzi naJehova: Ucaziʋa kuti ndini Jehova necinhu ici: Tarira, ndicaroʋa mvura iri murwizi netȿimbo iri muruʋoko rwaŋgu, ikashanduka ropa. 18Hoʋe dziri murwizi dzicafa, rwizi rucanhuwa; ʋaEgipita ʋacanetswa nokutȿaka kunwa mvura yorwizi. 19Jehova akati ʋo kunaMosesi: Uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro pemvura yaʋaEgipita, pamsoro penzizi dzaʋo, napamsoro pehoʋa dzaʋo, napamsoro pamadziʋa aʋo, napamsoro pamakaŋgwa aʋo ose, ɀishanduke ropa; riʋe’po panyika yose yeEgipita, mumidziyo yose yamatanda nemidziyo yamabge. 20Mosesi naAroni ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, ʋakasimudza tȿimbo, ʋakaroʋa mvura yakaŋga iri murwizi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. 21Hoʋe dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, ʋaEgipita ʋakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikaʋa’po panyika yose yeEgipita. 22Ŋaŋga dzeEgipita dzikaita ʋo saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova. 23Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana‐kuraŋgarira necinhu ici ʋo. 24ƲaEgipita ʋose ʋakacera nhiʋi dzorwizi ʋacitsaka mvura yokunwa; nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yorwizi. 25Mazuʋa manomŋe akapera kubva pakurobga kworwizi naJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda