Ezekieri 3
3
1Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, cidya caunowana; cidya rugwaro urwu rwakapetwa, uende, undotaura neimba yaIsraeri. 2Ipapo ndakashamisa muromo waŋgu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa. 3Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, dyisa ɗumbu rako, ugutise ʋura bgako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukaʋa mumukanwa waŋgu soʋuci nokuzipa.
4Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwaʋari mashoko aŋgu. 5Nokuti hautumŋi kurudzi runomutaurire usiŋgazikanwi norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri; 6hautumŋi kumarudzi mazhinji anomutaurire usiŋgazikanwi norurimi runogozha, ʋausiŋgagoni kunzwisisa mashoko aʋo. Ɀirokwaɀo, ɗai ndaikutuma kwaʋari ʋaŋgaɗai ʋaikunzwa. 7Asi imba yaIsraeri icaramba kukunzwa, nokuti haʋaɗi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsraeri ʋanehuma dzakawoma, nemŋoyo mikukutu. 8Tarira, ndinowomesa ciso cako seɀakaita ɀiso ɀaʋo, nehuma yako seɀakaita huma dzaʋo. 9Ndakawomesa huma yako sedaimani rinokunda musarasara; usaʋatya, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba inondimukira simba. 10Wakati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mashoko aŋgu ose andicataura kwauri, uagamucire mumŋoyo mako, uanzwe nenzeʋe dzako. 11Famba, uende kunaʋari pakutapxa, kuʋana ʋaʋanhu ʋako, utaure naʋo, uʋaʋudze, uti: Ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi.
12Ipapo Mŋeya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwaŋgu mubvumo wokuwuŋga kukuru, ɀiciti: Kubginya kwaJehova ŋgakurumbidzwe panɀimbo yake. 13Ndikanzwa mubvumo wamapapiro eɀipenyu, acigunɀana, nomubvumo wamakumbo eŋgoro kumatiʋi aɀo, uri mubvumo wokuwuŋga kukuru. 14Ipapo Mŋeya wakandisimudza, ndokundibvisa’po; ndikaenda ndineshuŋgu, mŋeya waŋgu wakatsamŋa; ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu nesimba. 15Ɀino ndakaȿika kunaʋaiʋa pakutapxa paTeri‐abibi, ʋakaŋga ʋagere parwizi rwaKebari, ipapo paʋakaŋga ʋagere; ini ndikagara’po pakati paʋo mazuʋa manomŋe ndicishaiwa mashoko.
Ezekieri unoɗanwa aʋe nharirire yaIsraeri.
16Ɀino mazuʋa manomŋe akati apera, shoko raJehova rikaȿika kwandiri riciti: 17Mŋanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; naiɀoɀo cinzwa shoko rinobva mumuromo maŋgu, uʋanyeʋere panɀimbo yaŋgu. 18Kana ini ndikati kunowakaipa: Ɀirokwaɀo ucafa, iwe ukasamunyeʋera, kana kutaura ɀinonyeʋera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese ʋupenyu bgake, munhu uyu wakaipa ucafira muɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. 19Asi kana iwe ukanyeʋera wakaipa, akasatendeʋuka paɀakaipa ɀake, kana panzira yake yakaipa, iye ucafira muɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako. 20Ʋuye ɀe, kana munhu wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, ini ndikaisa cigumbuso pamberi pake, ucafa; ɀausina‐kumunyeʋera, ucafira muɀiʋi ɀake; ɀakarurama ɀaakaita haɀiŋgaraŋgarirwi, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. 21Asi kana ukanyeʋera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, ɀirokwaɀo ucararama, nokuti wakaterera kunyeʋerwa, newe warwira mŋeya wako.
22Ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu ipapo, akati kwandiri: Simuka, uende kuɓani, ndicataura newe ipapo. 23Ɀino ndakasimuka, ndikaenda kuɓani, ndikaʋona kubginya kwaJehova kumire’po, kwakafanana nokubginya kwandakaʋona parwizi rwaKebari; ndikawira pasi neciso caŋgu. 24Ipapo Mŋeya wakapinda mandiri, akandimisa namakumbo aŋgu, akataura neni, akati kwandiri: Enda, undoɀipfigira mumba mako. 25Asi iwe, mŋanakomana womunhu, tarira, ʋacaʋuya neɀisuŋgo kwauri, ʋacakusuŋga naɀo, kuti urege kuɓuɗira pakati paʋo; 26ini ndicanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uʋe mbeʋeʋe, urege kuʋa murairi waʋo; nokuti iʋo iimba inondimukira simba. 27Asi kana ndicitaura newe, ndicashamisa muromo wako, iwe ugoti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Unonzwa, ŋgaanzwe, unoramba, ŋgaarambe; nokuti iʋo iimba inondimukira simba.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: