Ezekieri 5
5
1Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore ciʋe ciȿo kwauri, ugoʋeʋura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore ciyero cokuyera naco, ndokukamura vudzi. 2Ɀino cetatu caro upise nomŋoto pakati peguta, kana mazuʋa okukombga kwaro apera; utore ʋo cimŋe cetatu, ugotema nomunondo kumatiʋi aro ose; ʋuye cetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndicavomora munondo shure kwaʋo. 3Ɀino utore ʋo rimŋe shomanene, urisuŋgire muŋguʋo dzako. 4Ipapo utore ɀe rimŋe raro, urikandire mumŋoto, uciripisa mumŋoto; ipapo pacaɓuɗira mŋoto kuimba yose yaIsraeri.
5Ɀanzi naShe Jehova: Iri ndiro Jerusarema; ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimŋe nyika kumatiʋi ose. 6Asi rakaramba mitemo yaŋgu riciita ɀakaipa kupfuʋura mamŋe marudzi, nokuramba ɀandakaraira kupfuʋura dzimŋe nyika dzakaripoteredza; nokuti iʋo ʋakaramba mitemo yaŋgu, neɀandakaraira haʋana‐kufamba maɀiri. 7Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀamunehasha kupfuʋura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba muneɀandakaraira nokusaceŋgeta mitemo yaŋgu, kunyaŋge kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai; 8naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ini, iyeni, ndinemhaka nemi, ndicaita ɀandakatoŋga pakati penyu mamŋe marudzi aciɀiʋona. 9Ndicaita pakati penyu ɀandisina‐kumboita, ʋuye handiŋgatoŋgoiti ɀe ɀakaɗai, nemhaka yeɀinonyaŋgadza ɀenyu ɀose. 10Naiɀoɀo madziɓaɓa acadya ʋanakomana ʋaʋo mukati mako, naʋanakomana ʋacadya madziɓaɓa aʋo; ndicakuitira ɀandakatoŋga, ndicaparadzira ʋakasara ʋako kumhepo dzose. 11Saka noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ɀirokwaɀo, ɀawakaȿiɓisa nɀimbo yaŋgu tȿene neɀose ɀako ɀinosemesa neɀose ɀako ɀinonyaŋgadza, saka neni ndicabva kwauri, ziso raŋgu hariŋgakupembedzi, handiŋgaʋi netsitsi ʋo. 12Cetatu cako cicafa nehosha yakaipa, ʋuye ʋacapedzwa nenzara mukati mako; cetatu cicaparadzwa nomunondo kumatiʋi ako, necimŋe cikamu cetatu ndicaciparadzira kumhepo dzose, nokuvomora munondo shure kwaʋo. 13Saiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kucapera, nehasha dzaŋgu kwaʋari ndicadzigumisa, ndikanyaradzwa; ʋacaziʋa kuti ini Jehova ndakataura nokushiŋgaira kwaŋgu, kana ndapedza hasha dzaŋgu pamsoro paʋo. 14Ndicakuita ɗoŋgo necinoshoʋorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, ɀiciʋonekwa naʋose ʋanopfuʋura napo. 15Saiɀoɀo cicaʋa cinhu cinoshoʋorwa necinosekwa, cinonyeʋera necinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndicikuitira ɀandakatoŋga ndakatsamŋa, ndinehasha, ndicikutukai nehasha; (ini Jehova, ndini ndakataura iɀoɀo); 16kana ndicituma pamsoro paʋo miseʋe yakaipa yenzara, ineɓasa rokuparadza, yandicatuma kuti ikuparadzeyi. Ndicawedzera nzara pamsoro penyu, nokuvuna muɗonɀo wenyu weɀokudya. 17Ndicatuma pamsoro penyu nzara neɀikara ɀakaipa ɀicakutorerai ʋana; hosha yakaipa neropa ɀicapfuʋura napakati pako; ndicaʋuyisa munondo pamsoro pako. Ini Jehova, ndini ndakataura iɀoɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: