Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 6

6
Kutukwa kwamakomo aIsraeri.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kumakomo aIsraeri, uprofite pamsoro pawo, 3uti: Imi makomo aʋaIsraeri, inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova kumakomo nokuɀikomo, kumipata nokumapani: Tarirai, ini, iyeni, ndicaʋuyisa munondo pamsoro penyu, ndicaparadza nɀimbo dzenyu dzakakwirira. 4Maartari enyu acaitwa matoŋgo, neɀifananidzo ɀenyu ɀezuʋa ɀicakoromorwa; ʋanhu ʋenyu, ʋakaʋurawa, ndicaʋawisira pasi pamberi peɀifananidzo ɀenyu. 5Ndicaradzika ɀitunha ɀaʋana ʋaIsraeri pamberi peɀifananidzo ɀaʋo; ndicaparadzira mafupa enyu pamatiʋi ose amaartari enyu. 6Pose pamugere maguta acaparadzwa, nenɀimbo dzakakwirira dzicaitwa matoŋgo, kuti maartari enyu aparadzwe aitwe matoŋgo, neɀifananidzo ɀenyu ɀikoromorwe ɀigume, neɀifananidzo ɀenyu ɀezuʋa ɀitemŋe, neɀamakaɓata ɀose ɀiparadzwe. 7Ʋakaʋurawa ʋacawira pasi pakati penyu, nemi mucaziʋa kuti ndini Jehova. 8Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaceŋgeta ʋakasara, nokuti ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋa’po ʋacapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muciparadzirwa kunyika dzose. 9Ɀino ʋakapukunyuka pakati penyu ʋacandiraŋgarira pakati pamarudzi, kwaʋacatapirwa, kana ndaputsa mŋoyo yaʋo yokufeʋa, yakandirasha, nameso aʋo aipata aciteʋera ɀifananidzo ɀaʋo; ʋacaɀisema iʋo ʋamene pamsoro peɀakaipa ɀaʋakaita paɀinyaŋgadzo ɀaʋo ɀose. 10Ɀino iʋo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova; handina‐kureʋa pasina kuti ndicaʋaitira ɀakaipa iɀoɀo.
11Ɀanzi naShe Jehova: Roʋa noruʋoko rwako, tsikisa norutsoka rwako, uti: Maiwe! nokuɗa kweɀinonyaŋgadza ɀakaipa ɀose ɀeimba yaIsraeri; nokuti ʋacaʋurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa. 12Uri kure ucafa nehosha yakaipa, uri pedyo ucaʋurawa nomunondo, wakasara akaceŋgetwa ucafa nenzara; saiɀoɀo ndicapedza hasha dzaŋgu pamsoro paʋo. 13Imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ʋanhu ʋaʋo, ʋakaʋurawa, ʋari pakati peɀifananidzo ɀaʋo ʋakakomberedza maartari aʋo, pacikomo cimŋe necimŋe cakakwirira, napamsoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti mumŋe nomumŋe mutema, napasi pomuouki mumŋe nomumŋe mukobvu, ipo panɀimbo dzose paʋaipisira ɀifananidzo ɀaʋo ɀose ɀinonhuwira ɀakanaka. 14Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, nyika ndicaiita ɗoŋgo nokuiparadza, kubva parenje kuȿikira Dibra, pose paʋanogara; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda