Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 8

8
Ɀinonyaŋgadza ɀomutembere.
1Ɀino negore recitanhatu, nomŋedzi wecitanhatu, nezuʋa reshanu romŋedzi, ini ndigere mumba maŋgu, naʋakuru ʋaJuda ʋagere pamberi paŋgu, ruʋoko rwaShe Jehova ndokuwira pamsoro paŋgu. 2Ipapo ndikatarira ndikaʋona mufananidzo uneŋge somŋoto; kubva pakaita seciʋuno cake ɀicienda pasi, kwakaŋga kunomŋoto, kubva paciʋuno cake ɀicikwira kumsoro ɀineŋge kubginya, seɗare rinopenya. 3Akatambanudza ɀakaŋga ɀakaita soruʋoko, akandiɓata neɓumu romusoro waŋgu, Mŋeya akandisimudza pakati peɗeŋga nenyika, ndokundiisa paJerusarema ndiciratidzwa ɀiratidzo naMŋari, kumukoʋa wesuʋo roruʋazhe rwomukati unotarira kurutiʋi rwokumsoro, pakaŋga panecigaro cecifananidzo cegoɗo, cinomutsa goɗo. 4Ɀino tarira, kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri’po, ɀakafanana neɀandakaʋona muɓani. 5Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutiʋi rwokumsoro. Ipapo ndakariŋgira meso aŋgu kurutiʋi rwokumsoro, ndikaʋona kurutiʋi rwokumsoro rwesuʋo reartari cifananidzo ici cegoɗo cimire panopindwa napo. 6Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, unoʋona ɀaʋanoita here? Iɀo ɀinonyaŋgadza ɀikuru ɀinoitwa pano neimba yaIsraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenɀimbo yaŋgu tȿene here? Asi ucaʋona ɀe ɀimŋe ɀinonyaŋgadza ɀikuru. 7Akandiisa kumukoʋa woruʋazhe; ɀino ndakati ndicitarira, ndikaʋona pakakoromoka paruȿiŋgo. 8Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, cera ɀino paruȿiŋgo; ɀino ndakati ndacera paruȿiŋgo, ndikaʋona mukoʋa. 9Akati kwandiri: Pinda, undoʋona ɀinonyaŋgadza ɀakashata ɀaʋanoita pano. 10Ipapo ndakapinda, ndikaʋona; tarira, mifananidzo yamarudzi ose eɀinokambaira pasi, nemhuka dzinonyaŋgadza, neɀifananidzo ɀose ɀeimba yaIsraeri ɀakafananidzwa paruȿiŋgo kumatiʋi ose. 11Pamberi paɀo pakaŋga pamire ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋeimba yaIsraeri; pakati paʋo pakaŋga pamire Jaazania mŋanakomana waShafani, mumŋe nomumŋe akaɓata haryana yake yeɀinonhuwira muruʋoko rwake; munhuwi wegore reɀinonhuwira ukaramba ucikwira. 12Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, waʋona here ɀinoitwa naʋakuru ʋeimba yaIsraeri murima, mumŋe nomumŋe mukamuri yake yemifananidzo? Nokuti ʋanoti: Jehova haatiʋoni; Jehova wakabva panyika ino. 13Akati ʋo kwandiri: Ucaʋona ɀe ɀimŋe ɀinonyaŋgadza ɀikuru ɀaʋanoita. 14Ipapo akandiisa kumukoʋa wesuʋo reimba yaJehova rakaŋga riri kurutiʋi rwokumsoro; ndikaʋona ʋakadzi ʋagere’po ʋacicema Tamuzi. 15Ɀino akati kwandiri: Waɀiʋona here, iwe mŋanakomana womunhu? Ucaʋona ɀimŋe ɀinonyaŋgadza ɀinopfuʋura iɀi. 16Ipapo akandiisa muruʋazhe rwomukati rweimba yaJehova; tarira, pamukoʋa wetembere yaJehova pakati peɓiraʋira neartari, kwakaŋga kunaʋarume ʋaneŋge makumi maʋiri naʋashanu, ʋakafuratira tembere yaJehova, ɀiso ɀaʋo ɀakariŋgira kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaŋga ʋacinamata zuʋa kurutiʋi rwamabvazuʋa. 17Ɀino akati kwandiri: Waɀiʋona here, iwe mŋanakomana womunhu? Cinhu ciɗuku here kuimba yaJuda, kuti ʋaite ɀinonyaŋgadza ɀaʋanoita pano? Nokuti ʋakazadza nyika nokuita nesimba, ʋakadzoka ʋomutsa kutsamŋa kwaŋgu; tarira ʋanoisa ɗaʋi kumhino dzaʋo. 18Naiɀoɀo neni ʋo ndicaita nehasha; ziso raŋgu hariŋgapembedzi, handiŋgaʋi netsitsi; kunyaŋge ʋakaɗanidzira munzeʋe dzaŋgu nenzwi guru, handiŋgaʋanzwi.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda