Ezra 9
9
Ezra unocema pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu ʋake.
1Ɀino iɀi ɀakati ɀapera, macinda akasweɗera kwandiri, akati: Ʋanhu ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi haʋana‐kuɀiraʋura paʋanhu ʋenyika paneɀinonyaŋgadza ɀaʋo, iʋo ʋaKanaani, naʋaHiti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, naʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋaEgipita, naʋaAmori. 2Nokuti ʋakatora ʋakunda ʋaʋo ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo naʋaʋanakomana ʋaʋo; naiɀoɀo rudzi rutȿene rwakaɀiveŋganisa naʋanhu ʋenyika; ɀirokwaɀo maʋoko amacinda naʋaɓati ndiwo akanyanya pakuɗarika uku. 3Ɀino ini ndakati ndiciɀinzwa, ndikabvarura ŋguʋo yaŋgu nejasi raŋgu, ndikataʋura vudzi romusoro waŋgu nendebvu dzaŋgu, ndikagara pasi ndakakanuka. 4Ipapo ʋakaʋuŋgana kwandiri ʋose ʋakaŋga ʋaciɗeɗera nokuɗa kwamashoko aMŋari waIsraeri pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa; ndikagara pasi ndakakanuka kuȿikira paŋguʋa yecipiriso camaɗekwana. 5Ɀino paŋguʋa yecipiriso camaɗekwana ndikasimuka pakuɀininipisa kwaŋgu, ndicineŋguʋo yaŋgu nejasi raŋgu ɀakabvaruka; ndikawira pasi namabvi aŋgu, ndikatambanudzira maʋoko aŋgu kunaJehova Mŋari waŋgu; 6ndikati: Haiwa, Mŋari waŋgu, ndinonyara, ndinotȿeruka kusimudzira ciso caŋgu kwamuri Mŋari waŋgu; nokuti ɀiʋi ɀeɗu ɀaɗarika misoro yeɗu, mhoȿa yeɗu yakakwira kuȿikira kuɗeŋga. 7Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa eɗu takapara mhaka kwaɀo kuȿikira nhasi; ɀino nokuɗa kweɀiʋi isu namadzimambo eɗu, naʋaprista ʋeɗu, takaiswa mumaʋoko amadzimambo enyika, tiʋurawe nomunondo, titapxe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuʋa ranhasi. 8Ɀino takanzwirwa tsitsi naJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ɗuku‐ɗuku, akatisiyira ʋamŋe ʋakapukunyuka, nokutipa mbambo panɀimbo yake tȿene, kuti Mŋari weɗu avenekere meso eɗu, nokutiponesa paɗuku paʋuranda bgeɗu. 9Nokuti tiri ʋaranda; kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari haana‐kutirasha paʋuranda bgeɗu, asi wakatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePersia, akatiponesa ɀe, kuti timutse ɀe imba yaMŋari weɗu, nokugadzira matoŋgo ayo, nokutipa ruȿiŋgo paJuda napaJerusarema. 10Ɀino, Mŋari weɗu, ticareʋeiko shure kwaiɀoɀi? Nokuti takarasha mirairo yenyu, 11yamakatiraira naʋaranda ʋenyu ʋaprofita, muciti: Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakaȿiɓiswa nokuipa kwaʋanhu ʋenyika idzo, nemhaka yeɀinonyaŋgadza ɀaʋo, ɀakaizadza namatȿina aʋo kubva parutiʋi rumŋe kuȿikira panorumŋe rutiʋi. 12Naiɀoɀo ɀino, regai kupa ʋanakomana ʋaʋo ʋakunda ʋenyu, kana kutora ʋakunda ʋaʋo kupa ʋanakomana ʋenyu, kana kuʋatȿakira rugare nomufaro nokusiŋgaperi; kuti muʋe nesimba, mudye ɀakanaka ɀenyika, mugoisiyira ʋana ʋenyu iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi. 13Ɀatakaitirwa iɀi ɀose nokuɗa kwamaɓasa eɗu akaipa, ʋuye nokuɗa kwemhoȿa dzeɗu huru, imi Mŋari weɗu ɀamusina‐kutiroʋa ɀakariŋgana ɀakaipa ɀeɗu, mukatisiyira ʋamŋe ʋakaɗai, 14ɀino tiŋgapamhidza ɀe kuɗarika mirairo yenyu here, nokushamŋaridzana naʋanhu ʋanoita iɀi ɀinonyaŋgadza here? Hamuŋgazotitsamŋiri kuȿikira matiparadza here, kuȿikira kusinawakasiyiwa, kana wakapukunyuka? 15Jehova, Mŋari waIsraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa ʋamŋe ʋakapukunyuka, seɀaɀakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhoȿa dzeɗu, nokuti hakuna‐uŋgamira pamberi penyu nokuɗa kwecinhu ici.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezra 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: