ƲaGaratia 1
1
Kwaziso.
1Pauro, muapostora, (usinakubʋa kuʋanhu, kana kutumŋa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMŋari Ƃaɓa, wakamumutsa kuʋakafa), 2nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia: 3Nyasha norugare ŋgaɀiʋe nemi, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu, 4wakaɀipa nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu, kuti atisunuŋgure kunyika yakaipa yaɀino, nokuɗa kwaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; 5ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
Pauro unosimbisa ʋuapostora bgake.
6Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukaɗai kushandukira uyo wakakuɗanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimŋe evaŋgeri; 7isati iri imŋe hayo; asi kuti ʋamŋe ʋari’po ʋanokukaŋganisai, ʋaciɗa kushandura Evaŋgeri yaKristu. 8Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa. 9Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa. 10Nokuti ɀino ndinoita ʋushamŋari naʋanhu here, kana naMŋari? Kana ndinotȿaka kufadza ʋanhu here? Kana ndaifadza ʋanhu naɀino, handizaiʋa muranda waKristu.
11Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu. 12Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. 13Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza; 14pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu. 15Ɀino Mŋari, iye wakandisanaŋgura kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu, akandiɗana nenyasha dzake, wakati afadzwa naɀo, 16kuti aratidze Mŋanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati paʋahedeni, pakarepo handina‐kuraŋgana nenyama neropa; 17handina‐kukwira Jerusarema kunaaʋo ʋakanditaŋgira kuʋa ʋaapostora, asi ndakaenda Arabia, ndikadzokera Damasko ɀe.
18Ipapo, makore matatu akati apfuʋura, ndikakwira Jerusarema kundoʋona Kefasi, ndikagara naye mazuʋa anegumi namashanu. 19Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. 20Iɀi ɀandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMŋari handireʋi nhema. 21Ipapo ndakaȿika kunyika dzeSiria neKirikia. 22Asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi paciso nekereke dzeJudea dziri munaKristu; 23asi ʋakaŋga ʋanzwa ɓedzi, kuti uya, waititambudza kare, ɀino woparidza kutenda kwaaiparadza kare; 24ʋakarumbidza Mŋari mandiri.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaGaratia 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: