Genesi 28
28
Jakobo paBeteri.
1Ɀino Isaka wakaɗana Jakobo, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari: Usawana mukadzi kuʋakunda ʋeKanani. 2Simuka ʋende Padani‐arami, kuimba yaBetueri, ɓaɓa ʋamai ʋako, uɀiwanire’ko mukadzi kuʋakunda ʋaRabani, hanɀadzi yamai ʋako. 3Mŋari wamasimba ose ŋgaakuropafadze, akuɓerekese ʋana, akuwanze, kuti uʋe ndudzi zhinji dzaʋanhu; 4akupe kuropafadzwa kwaAbrahama, iwe, naʋana ʋako pamŋe cete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abrahama naMŋari. 5Isaka akati Jakobo aende, akaenda Padani‐arami, kunaRabani, mŋanakomana waBetueri, muAramia, hanɀadzi yaRebeka, mai ʋaJakobo naEsau. 6Ɀino Esau wakaʋona kuti Isaka wakaŋga aropafadza Jakobo, akati aende Padani‐arami, kuti aɀiwanire’ko mukadzi; ʋuye ʋo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, aciti: Usawana mukadzi kuʋakunda ʋeKanani; 7ʋuye ɀe, kuti Jakobo wakaterera ɓaɓa ʋake namai ʋake, akaenda Padani‐arami; 8Esau akaʋona kuti ʋakunda ʋeKanani haʋanakufadza Isaka ɓaɓa ʋake; 9Esau akaenda kunaIshmaeri, akawedzera kuʋakadzi ʋake, ʋaakaŋga anaʋo, Maharati mukunda waIshmaeri, mŋanakomana waAbrahama, hanɀadzi yaNebayoti, kuti aʋe mukadzi wake.
10Ɀino Jakobo wakaɓuɗa paBeeri‐sheba, akaenda Harani; 11akaȿika paneimŋe nɀimbo, akaʋata’po ʋusiku, nokuti zuʋa rakaŋga raʋira; akatora rimŋe ibge ipapo, akaritsamira, akaʋata pasi ipapo. 12Akarota, akaʋona ɗanhu rakaŋga ramiswa panyika, musoro waro wakaȿika kuɗeŋga; akaʋona ʋatumŋa ʋaMŋari ʋacikwira nokuɓuruka naro. 13Akaʋona Jehova amire naye, akati: Ndini Jehova, Mŋari waAbrahama ɓaɓa ʋako, naMŋari waIsaka; nyika yauʋete pamsoro payo ndicakupa iyo, iwe naʋana ʋako; 14ʋana ʋako ʋacaita seguruʋa renyika; ucapararira kumaʋirazuʋa, nokumabvazuʋa, nokumsoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa mauri nomuʋana ʋako. 15Tarira, ndinewe, ndicakuceŋgeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handiŋgakusiyi kuȿikira ndaita iɀoɀo ɀandakakuʋudza. 16Ipapo Jakobo akapepuka pahope dzake, akati: Ɀirokwaɀo Jehova uri panɀimbo ino, asi ini handina‐kuɀiziʋa. 17Akatya, akati: Nɀimbo ino inotyisa seiko! Iyi iimba caiyo yaMŋari, isuʋo rokuɗeŋga. 18Jakobo akamuka maŋgwanani, akatora ibge raakaŋga akatsamira, akarimisa kuti riʋe shoŋgwe, akaɗira mafuta pamsoro paro; 19akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Beteri; asi zita reguta pakutaŋga rainzi Ruzi. 20Ipapo Jakobo akapika mhiko, aciti: Kana Mŋari akaʋa neni, akandiceŋgeta panzira yandinoenda, akandipa ɀokudya, ndidye, neɀokufuka, ndifuke; 21ndikadzokera ɀe norugare kuimba yaɓaɓa ʋaŋgu, Jehova ucaʋa Mŋari waŋgu; 22neriri ibge, randakamisa rikaʋa shoŋgwe, ricaʋa imba yaMŋari; neɀinhu ɀose ɀamucandipa, ɀirokwaɀo ndicakupai cegumi caɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 28: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: