Ɀino nyoka yakaŋga inamano kupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo dzakaŋga dzaitwa naJehova Mŋari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndiɀo here kuti Mŋari wakati: Regai kudya miti yose yomunda? Mukadzi akati kunyoka; Tiŋgadya heɗu micero yemiti pamunda, asi kana iri micero yomuti uri pakati pomunda, Mŋari wakati: Regai kuudya, kana kuuɓata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi: Hamuŋgafi ɀirokwaɀo; nokuti Mŋari unoziʋa kuti nomusi wamunoɀidya nawo, meso enyu acaȿinudzwa, mukaʋa saMŋari, muciziʋa ɀakanaka neɀakaipa. Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo.
Verenga chikamu Genesi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 3:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo