Genesi 35
35
Jakobo paBeteri. Rakeri naIsaka ʋanofa.
1Ɀino Mŋari wakati kunaJakobo: Simuka, ukwire Beteri, undogara’ko; uitire Mŋari artari’po, iye wakaɀiratidza kwauri paŋguʋa yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako. 2Ipapo Jakobo akati kumhuri yake, naʋose ʋakaŋga ʋanaye: Bvisai ʋamŋari ʋedzimŋe ndudzi ʋari pakati penyu, ɀinatsei, mufuke dzimŋe ŋguʋo; 3tisimuke, tikwire Beteri; ipapo ndicaitira Mŋari artari, iye wakaŋga aneni panzira yandakaŋga ndicifamba nayo. 4Iʋo ʋakapa Jakobo ʋamŋari ʋose ʋedzimŋe ndudzi ʋakaŋga ʋari pamaʋoko aʋo, neɀindori ɀakaŋga ɀiri panzeʋe dzaʋo; Jakobo akaɀicerera pasi pomuti womuouki wakaŋga uri paShekemi. 5ʋakapfuʋura norwendo rwaʋo, maguta akaŋga akaʋakomba akatya Mŋari kwaɀo, ʋakasateʋerera ʋanakomana ʋaJakobo. 6Jakobo akaȿika Ruzi, guta riri panyika yeKanani (rimŋe zita ndiBeteri), iye naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo. 7Akaʋaka’po artari, akatumidza zita renɀimbo iyo Eri‐beteri; nokuti Mŋari wakaŋga aɀiratidza kwaari ipapo, paŋguʋa yokutiza kwake pamberi pomukuru wake. 8Debora, mureri waRebeka, akafa, akaʋigwa zasi kweBeteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aroni‐bakuti.
9Ipapo Mŋari akaɀiratidza ɀe kunaJakobo pakubva kwake Padani‐arami, akamuropafadza. 10Mŋari akati kwaari: Zita rako ndiJakobo; zita rako haricazonzi Jakobo, asi zita rako ricanzi Israeri; akamutumidza zita rinonzi Israeri. 11Ɀino Mŋari akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; ɓereka ʋana, uwande; rudzi neɓoka rendudzi ɀicaɓuɗa kwauri, namadzishe acaɓuɗa paciʋuno cako; 12nyika yandakapa Abrahama naIsaka, ndicakupa iyo; ʋana ʋako ʋanokuteʋera ndicaʋapa nyika iyo. 13Mŋari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakaŋga acitaura naye. 14Jakobo akamisa shoŋgwe ipapo paakaŋga ataura naye, shoŋgwe yebge; akaɗurura pamsoro payo cipiriso cinoɗururwa, akaɗira ʋo mafuta pamsoro payo. 15Jakobo akatumidza nɀimbo iyo, pakaŋga pataura Mŋari naye, zita rinonzi Beteri. 16Ɀino ʋakafamba ʋacibva Beteri; cinhambo cakaŋga cici’po cokuȿika Efrati; Rakeri akaɀara, akatambudzika pakupona kwake. 17Wakati acitambudzika pakupona kwake, mbuya ʋakati kwaari: Usatya hako, nokuti ɀino ucaʋa nomumŋe mŋanakomana ɀe. 18Ɀino mŋeya wake wakati uciɓuɗa (nokuti wakafa), akamutumidza Benoni; asi ɓaɓa ʋake ʋakamutumidza Benjamini. 19Rakeri akafa, akaʋigwa panzira inoenda Efrati (rimŋe zita ndiBetrehema). 20Jakobo akamisa shoŋgwe pamsoro perinda rake, ndiyo shoŋgwe yerinda raRakeri kuȿikira zuʋa ranhasi. 21Israeri akafamba, akapfuʋurira mberi, akadzika tente rake neseri kweshoŋgwe yeEderi. 22Ɀino Israeri agere munyika iyo, Rubeni akandoʋata naBirha, muroŋgo waɓaɓa ʋake, Israeri akaɀinzwa.
Ɀino ʋanakomana ʋaJakobo ʋaiʋa gumi naʋaʋiri; 23ʋanakomana ʋaRea: Rubeni, ɗaŋgwe raJakobo, naSimeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naZeburuni; 24ʋanakomana ʋaRakeri: Josefa naBenjamini; 25ʋanakomana ʋaBirha, murandakadzi waRakeri: Dani naNaftari; 26ʋanakomana ʋaZirpa, murandakadzi waRea: Gadi naAsheri. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJakobo, ʋaakaɀarirwa paPadani‐arami. 27Jakobo akaȿika kunaIsaka, ɓaɓa ʋake paMamre, paKiriyati‐arba (rimŋe zita ndi Hebroni), paigara Abrahama naIsaka ʋari ʋatorwa. 28Mazuʋa aIsaka akaŋga ari makore anezana namakumi masere. 29Mŋeya waIsaka ukaɓuɗa, akafa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake, akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji; Esau naJakobo, ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋiga.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 35: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018