ƲaHeberu 13
13
Mashoko okupedzisira okuraira.
1Ruɗo pakati pehama ŋgarugare. 2Musakaŋganwa kuitira ʋaeni ruɗo; nokuti ʋaciɗaro ʋamŋe ʋakagarisa ʋatumŋa mumba, ʋasiŋgaɀiziʋi. 3Fuŋgai ʋakasuŋgwa, somuneŋge makasuŋgwa pamŋe cete naʋo; naiʋo ʋanoitirwa ɀakaipa, somuneŋge muri mumuʋiri imi ʋo. 4Kuwanana ngakukudzwe naʋose, nenhoʋo ŋgairege kuʋa nemhoȿa; nokuti Mŋari ucatoŋgesa mhombge naʋanofeʋa. 5Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai neɀamunaɀo; nokuti iye amene wakati: Handiŋgatoŋgokuregeri, handiŋgatoŋgokusiyi. 6Naiɀoɀo tinotsuŋga mŋoyo, ticiti:
Ishe ndiye muɓatsiri waŋgu; handiŋgatyi;
Munhu uŋgandiiteiko?
7Raŋgarirai ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋaikuparidzirai shoko raMŋari; cerekedzai kuguma kwokufamba kwaʋo, mugoteʋera kutenda kwaʋo. 8Jesu Kristu unogara akaɗaro zuro, nanhasi, nokusiŋgaperi. 9Musatorwa nedzidziso dzimŋe dzisiŋgazikanwi; nokuti ɀakanaka kuti mŋoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa neɀokudya ɀisinakuɓatsira ʋakafamba maɀiri. 10Isu tineartari, pasiŋgatenderwi kudyiwa naʋanoshumira tabernakeri. 11Nokuti mitumbu yeɀipfuwo, ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene nomuprista mukuru nokuɗa kweɀiʋi, inopiswa kunze kwemisasa. 12Saka naiye Jesu ʋo wakatambudzika kunze kwesuʋo, kuti aite ʋanhu ʋaʋe ʋatȿene neropa rake. 13Naiɀoɀo ŋgatiɓuɗire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. 14Nokuti pano hatineguta ricagara, asi tinotȿaka ricazoʋa’po. 15Naiɀoɀo ŋgatirambe ticiɓayira Mŋari naye ciɓayiro cokumurumbidza, ndico ciɓereko cemiromo inopupura zita rake. 16Asi musakaŋganwa kuita ɀakanaka nokugoʋana; nokuti Mŋari unofara neɀiɓayiro ɀakaɗai. 17Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu.
18Tinyeŋgetererei; nokuti tinoziʋa kwaɀo kuti tinehana yakanaka, ɀatinoɗa kufamba ɀakanaka paɀinhu ɀose. 19Ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti muite iɀoɀo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
Kuwonekana.
20Ɀino Mŋari worugare, wakadzosa kuʋakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe weɗu Jesu Kristu, neropa resuŋgano isiŋgaperi, 21ŋgaakukwanisei paɀinhu ɀose ɀakanaka, kuti muite kuɗa kwake, iye aciita mukati meɗu iɀo ɀinofadza pamberi pake, naJesu Kristu — ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
22Asi ndinokurairai, hama dzaŋgu, kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. 23Ziʋai kuti hama yeɗu Timotio wakasunuŋgurwa; kana akakurumidza kuȿika, ndinozokuʋonai pamŋe cete naye.
24 Ndikwazisirei ʋatuŋgamiri ʋenyu ʋose naʋatȿene ʋose. ƲeItaria ʋanokukwazisai.
25Nyasha ŋgadziʋe nemi mose. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaHeberu 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: