ƲaHeberu 8
8
Suŋgano yekare yapfuʋura, Kristu ndiye mureʋereri wesuŋgano itȿa.
1Ɀino, shoko guru panaiɀoɀo ɀatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakaɗai wakagara kurudyi rwecigaro coʋushe coƲumambo kuɗeŋga; 2iye mushumiri weɀinhu ɀitȿene, nowetabernakeri caiyo, yakamiswa naShe, isina‐kumiswa nomunhu. 3Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe wakagadzwa, kuti aɓayire Mŋari ɀipo neɀiɓayiro; naiɀoɀo naiye waifanira kuti aʋe necaaŋgaɓayira ʋo; 4nokuti ɗai aiʋa panyika, uŋgaɗai asina‐kuʋa muprista, nokuti ʋaprista ʋari’po, ʋanoɓayira Mŋari ɀipo seɀinorebga nomurairo; 5iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo. 6Asi ɀino wakapiwa ɓasa rakanyanya kunaka, seɀaari Mureʋereri wesuŋgano inopfuʋura nokunaka, yakasimbiswa neɀipikirwa ɀinopfuʋura nokunaka. 7Nokuti ɗai iya yokutaŋga yakaŋga isina‐caiŋgapomerwa, yecipiri iŋgaɗai isina‐kutȿakirwa nɀimbo. 8Nokuti unoʋapa mhoȿa, aciti:
Tarirai, mazuʋa anoʋuya, ndiɀo ɀinotaura Ishe,
Andicaita nawo suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda;
9Isina‐kuita sesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo,
Pazuʋa randakaɓata ruʋoko rwaʋo, kuti ndiʋaɓuɗise munyika yeEgipita;
Nokuti haʋana‐kurambira musuŋgano yaŋgu,
Neni ndikasaʋa nehanya naʋo, ndiɀo ɀinotaura Ishe.
10Nokuti ndiyo suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri
Kana mazuʋa iwayo apfuʋura, ndiɀo ɀinotaura Ishe;
Ndicaisa mirairo yaŋgu pakufuŋga kwaʋo,
Napamŋoyo yaʋo ndicainyora,
Ndicaʋa Mŋari waʋo,
Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu;
11Mumŋe nomumŋe haaŋgazodzidzisi wokwake,
Kana mumŋe nomumŋe hama yake, aciti: Ziʋa Ishe;
Nokuti ʋose ʋacandiziʋa,
Kubva kumuɗuku kuȿikira kumukuru pakati paʋo.
12Nokuti ndicaʋa neŋgoni nokusarurama kwaʋo,
Neɀiʋi ɀaʋo handicazoɀiraŋgariri.
13Ɀaanoti: Suŋgano itȿa, wakasakadza yokutaŋga; ɀino cinhu cosakara, coʋa cakare, coɗa kuroʋa.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaHeberu 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: