Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 5

5
Ʋatuŋgamiriri ʋanotukwa.
1Inzwai shoko iri, imi ʋaprista, tererai imi imba yaIsraeri, rerekerai nzeʋe dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotoŋgwa; nokuti makaŋga muri musuŋgo paMizpa, nomumbure wakadzikwa paRabori. 2Ʋakandimukira ʋakapinda kwaɀo pakuʋora, asi ndicaʋatuka ʋose. 3Ndinoziʋa Efraimi, Israeri haʋana‐kuʋanzika pamberi paŋgu; nokuti ɀino, iwe Efraimi, wakapata, Israeri ʋakaȿiɓiswa. 4Ɀaʋakaita haɀiʋatenderi kudzokera kunaMŋari waʋo; nokuti mŋeya wokufeʋa uri mukati maʋo, haʋaziʋi Jehova. 5Kuɀikudza kwaIsraeri kunoʋapupurira pacena; saka Israeri naEfraimi ʋacagumburwa paɀakaipa ɀaʋo, Juda ʋacagumburwa ʋo pamŋe cete naʋo. 6Ʋacaenda namakwai aʋo neŋombe dzaʋo kundotȿaka Jehova, asi haʋaŋgamuwani; wakaenda kure naʋo. 7Ʋakanyeŋgera Jehova, nokuti ʋakaɓereka ʋana ʋasati ʋari ʋaʋo; ɀino mutambo wokugara kwomŋedzi ucaʋapedza pamŋe cete neminda yaʋo.
8Ridzai mumanzi paGibea, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBeti‐aveni: Ʋari shure kwako, iwe Benjamini! 9Nyika yaEfraimi icaitwa matoŋgo nezuʋa rokutukwa; ndakaziʋisa pakati paIsraeri ɀicazoʋa’po ɀirokwaɀo. 10Macinda aJuda akafanana naʋanobvisa ciratidzo cemiganho; ndicaɗurura kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo semvura. 11Efraimi wakamanikidzwa, wakapxanyiwa nokutoŋgwa, nokuti wakaŋga acitenda kuteʋera murairo waʋanhu. 12Naiɀoɀo ndicaʋa kunaEfraimi secipfunho, ʋuye sokuʋora kuimba yaJuda. 13Efraimi wakati aciʋona kurwara kwake, naJuda ʋaŋga rake, Efraimi akaenda Asiria, akatuma nhume kunamambo Jarebi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa ʋaŋga renyu. 14Nokuti ndicaʋa seshumba kunaEfraimi, ʋuye seshumba ɗuku kuimba yaJuda; ini, iyeni, ndicabvambura ndokuenda; ndicaʋatapa, hakuna‐uŋgaʋarwira. 15Ndicaenda ndicidzokera kunɀimbo yaŋgu, kuȿikira ʋatenda kutadza kwaʋo, ʋakatȿaka ciso caŋgu; pakutambudzika kwaʋo ʋacanditȿaka nomŋoyo wose.

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda