Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 15

15
Cireʋo pamsoro paMoabi.
1Cireʋo pamsoro paMoabi. Nokuti ʋusiku Ari reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa; nokuti ʋusiku Kiri reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa. 2Ʋakwira Bayiti, neDiboni, kumatunhu akakwirira, kundocema’po; ʋaMoabi ʋanocema pamsoro peNebo napaMedeba; misoro yaʋo yose inemhazha, ndebvu dzose dzakaʋeʋurwa. 3Panzira dzomumisha yaʋo ʋakaɀisuŋga namakudza, pamsoro pedzimba dzaʋo, napamaɗare aʋo, mumŋe nomumŋe unowuŋgudza acicema ɀikuru. 4Heshboni rinoɗanidzira, neEreari; inzwi raʋo rinonzwika kuȿikira paJahazi; saka ʋarwi ʋaMoabi ʋanoɗanidzira ɀikuru; mŋeya wake unoɗeɗera mukati make. 5Mŋoyo waŋgu unoɗanidzira pamsoro paMoabi; ʋakuru ʋaʋo ʋanotizira Zoari, neEgrati‐sherishiya; nokuti ʋanokwira mukwidzwa waRuhiti ʋacicema; nokuti panzira inoenda Horonaimi ʋanocema nokucema kwokuparadzwa. 6Nokuti mvura yeNimrimi icaparadzwa; nokuti ʋuswa bgawoma, ɓumhudza rapera, hapacinacinomera citema. 7Saka ɀizhinji ɀaʋakawana, neɀaʋakaceŋgeta, ʋacayambuka naɀo parukoʋa rwemikonacando. 8Nokuti kucema kwapotereka kunyika yose yaMoabi; kuwuŋgudza kwake kuȿikira paEgraimi, nokuwuŋgudza kwake kuȿikira paBeeri‐erimi. 9Nokuti mvura yeDimoni izere neropa; nokuti ndicawedzera kuroʋa Dimoni, ndicatuma shumba iparadze ʋakapukunyuka ʋaMoabi, naʋakasara panyika.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda