Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 3

3
1Nokuti tarirai, Ishe, Jehova wehondo unotorera Jerusarema naJuda mutsigiro nomuɗonɀo, mutsigiro wose weɀokudya, nomutsigiro wose wemvura; 2munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutoŋgi, nomuprofita, nomuʋuki, nomukuru; 3mukuru wamakumi mashanu, nounokudzwa, namakota, nemhizha dzakacenjera, nomuʋuki unoziʋa. 4Ndicaʋapa ʋanana aʋe macinda aʋo, ʋacaɓatwa naʋacece. 5Ʋanhu ʋacamanikidzwa, mumŋe acimanikidza mumŋe, nomumŋe nomumŋe nowokwake; mŋana ucaʋa namanyawi kunaʋakuru, nowakaɀidzwa kunounokudzwa. 6Musi uyo munhu ucaɓata munuŋuna wake mumba maɓaɓa ʋake, aciti: Iwe uneŋguʋo, ciʋa mutoŋgi weɗu; kuparadzwa uku ŋgakugadzirwe noruʋoko rwako. 7Ɀino nezuʋa iro ucaɗanidzira, aciti: Handiɗi kuʋa ŋaŋga, nokuti mumba maŋgu hamuneɀokudya neɀokufuka; musandiita mutoŋgi waʋanhu. 8Nokuti Jerusarema raparadzwa, Juda wawa; nokuti marimi aʋo namaɓasa aʋo anopesana naJehova, kutsamŋisa meso ake anokubginya. 9Ɀinoʋonekwa paɀiso ɀaʋo ɀinoʋapupurira; ɀiʋi ɀaʋo ʋanoɀiɓuɗisa pacena seSodoma; haʋaɀiʋanzi. Mŋeya yaʋo inenhamo, nokuti ʋakaɀiitira ɀakaipa. 10Iti pamsoro powakarurama, kuti ucaʋa nomufaro; nokuti ʋacadya ɀiɓereko ɀamaɓasa aʋo. 11Wakaipa unenhamo! iye haaŋgaʋi nomufaro, nokuti ucapiwa muɓairo wamaʋoko ake. 12Kana ʋari ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ndiʋo ʋamanikidzi ʋaʋo, ʋakadzi ʋanoʋaɓata ʋushe. Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋanokutadzisai, ndiʋo ʋanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo. 13Jehova wasimuka kutamba mhaka; umire kuti atoŋge ʋanhu. 14Jehova ucatoŋga ʋakuru ʋaʋanhu ʋake namacinda aʋo, aciti: Ndimi mapedza munda wemizambiriŋga; ɀakapambga ɀaʋarombo ɀiri mudzimba dzenyu. 15Munoiteiko ɀamunopxanya ʋanhu ʋaŋgu, mucikuya ɀiso ɀaʋarombo? Ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.
16Ʋuye ɀe Jehova wakati: Ʋakunda ʋeZioni ɀaʋanamanyawi, ʋacifamba nemitsipa yakati tasa, ʋaciita meso‐meso, ʋacifamba ʋacinzenzeta, ɀiri pamakumbo aʋo ɀiciti ŋgwereŋgwere, 17naiɀoɀo Ishe ucaroʋa nhoŋgonya dzemisoro yaʋakunda ʋaZioni negwenu‐kwenu; Jehova ucafukura miʋiri yaʋo. 18Nezuʋa iro Ishe ucabvisa ʋukomba bgamakumbo aʋo, neɀizuʋa neɀimŋedzi; 19neɀinoremberedzwa, noʋuketani bgamaʋoko, neɀifukidzo; 20neɀishoŋgo ɀomusoro, noʋuketani bgamakumbo, neɀisuŋgo, neɀitende ɀeɀinonhuwira, namazaŋgo; 21neɀimhete, noʋukomba bgemhino; 22neŋguʋo dzomutambo, neɀijasi, neɀijari, neɀikwama; 23neɀiʋoni‐ʋoni ɀamaʋoko, nomuceka wakaiȿo‐naka, nemiceka yomusoro, neɀifukidzo ɀameso. 24Ɀino ɀicaitika kuti panɀimbo yeɀinonhuwira pacaʋa neɀinonhuwa; panɀimbo yebanire pacaʋa norwonzi; panɀimbo yevudzi rakarukwa ɀakanaka, pacaʋa nemhazha; panɀimbo yeŋguʋo yakaisonaka, pacaʋa necisimiro cegudza; nokupiswa kwoʋuranda panɀimbo yokunaka. 25Ʋarume ʋenyu ʋacaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa. 26Masuʋo aro acacema nokurira; ricaitwa ɗoŋgo ndokugara pasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda