Isaya 47
47
Kutoŋgwa kweBabironi.
1Ƃuruka, ugare muguruʋa, iwe mhandara, mukunda weBabironi; gara pasi pasinecigaro coʋushe, iwe mukunda waʋaKardea; nokuti haucazonzi unoʋundere nounamaŋgo. 2Tora guyo nehuyo ukuye ʋupfu; bvisa cifukidziro ceciso cako, bvisa ŋguʋo yako yakareɓa, fukura gumbo rako, yambuka nzizi. 3Kusafuka kwako kucaʋa pacena, kunyadzwa kwako kucaʋonekwa; ndicaɀitsiʋa, ndisiŋgaraŋgariri munhu. 4Mudzikinuri weɗu, zita rake rinonzi Jehova wehondo, Mutȿene waIsraeri. 5Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda waʋaKardea; nokuti haucazonzi Ʋahosi bgoʋushe ʋuzhinji. 6Ndakaŋga ndakatsamŋira ʋanhu ʋaŋgu, ndakamhura nhaka yaŋgu, ndikaʋaisa mumaʋoko ako; iwe hauna‐kuʋanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwaɀo pamsoro paʋatana. 7Ukati: Ndicaʋa ʋahosi nokusiŋgaperi; naiɀoɀo hauna‐kufuŋga ɀinhu iɀi, hauna‐kuraŋgarira kuguma kwaɀo.
8Naiɀoɀo ɀino cinzwa cinhu ici, iwe unoŋgoraŋgarira ɀinofadza, ugere ɀakasimba, unoti mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu; handiŋgagari ndiri cirikadzi, handiŋgaziʋi kufirwa naʋana. 9Asi ɀinhu iɀi ɀiʋiri ɀicakuwira neciŋguʋa ciɗuku, nezuʋa rimŋe cete, kufirwa naʋana, noʋucirikadzi; ɀicakuwira neciyero cizere, pakati poʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, noʋuroyi bgako bgakawanda. 10Nokuti wakaʋimba neɀakaipa ɀako; wakati: Hakuna‐unondiʋona; wakakaŋganiswa noʋucenjeri bgako neziʋo yako, ukati mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu. 11Naiɀoɀo ɀakaipa ɀicakuwira, ɀausiŋgaziʋi kuʋamba kwaɀo; ucawirwa nenjodzi, yausiŋgagoni kubvisa; kuparadzwa kucakuwira pakarepo, kwausiŋgaziʋi. 12Ɀino ʋuya noʋuroyi bgako noʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, bgawakaɓata nabgo kubva paʋuɗuku bgako, ɀimŋe uŋgaɓatsirwa, ɀimŋe uŋgakunda. 13Waneta nokuwanda kwamano ako; ɀino, ʋanoɗudzira ɀokuɗeŋga, naʋanocerekedza nyeredzi, naʋanofembera ɀomŋedzi mumŋe nomumŋe ŋgaʋasimuke, ʋakuponese paɀinhu ɀicakuwira. 14Tarira, ʋacaita samashaŋga, ʋacapiswa nomŋoto, haʋaŋgagoni kuɀirwira pasimba romuraɀo; hauŋgaʋi zimbe rokudziya, kana mŋoto uŋgagotwa. 15Ndiɀo ɀicaita ɀose ɀawakaɓatira; ʋakashambadzirana newe kubva paʋuɗuku bgako, ʋacadzuŋgaira mumŋe nomumŋe nenzira yake; pacashaikwa unokuponesa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 47: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: