Isaya 50
50
1Ɀanzi naJehova: Ruripiko rugwaro rwokuramba mai ʋenyu, rwandakaʋaramba narwo? Kana ndakakuteŋgesai kunani ʋandakaŋga ndinecikwerete naʋo here? Tarirai makateŋgeswa nokuɗa kweɀakaipa ɀenyu, mai ʋenyu ʋakarambga nokuɗa kwokuɗarika kwenyu. 2Ndakashaiwireiko munhu pakuȿika kwaŋgu? Ndakashaiwireiko wakapindura pakuɗana kwaŋgu? Ko ruʋoko rwaŋgu rwatoŋgofupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handinesimba rokurwira here? Tarirai, ndinopxisa guŋgwa kana ndicirituka, nzizi ndinodziita renje; hoʋe dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzinemvura, dzinofa nenyota. 3Ƌeŋga rose ndinorifukidza nokuȿiɓa, cifukidziro caro ndinociita makudza.
Muranda waJehova.
4Ishe Jehova wakandipa rurimi rwaʋakadzidziswa, kuti ndiziʋe kusimbisa ʋakaneta namashoko; unondimutsa maŋgwanani ose, unomutsa nzeʋe dzaŋgu kuti ndinzwe saʋanodzidziswa. 5Ishe Jehova wakadziʋura nzeʋe dzaŋgu, handina‐kuramba kana kudzokera shure. 6Ndakarinzira ʋaroʋi musana waŋgu, namatama aŋgu kunaʋakataʋura ndebvu dzaŋgu; handina‐kuʋanza ciso caŋgu pakunyadziswa nokupfirwa mate. 7Nokuti Ishe Jehova ucandiɓatsira, naiɀoɀo handina‐kunyadziswa; naiɀoɀo ndakaita ciso caŋgu sebge romusarasara, ndinoziʋa kuti handiŋganyadziswi. 8Unondiruramisira uri pedyo; ndiani ucarwa neni? Ŋgatisimukei pamŋe cete; ndiani mudziʋisi waŋgu? Ŋgaasweɗere kwandiri. 9Tarirai, Ishe Jehova ucandiɓatsira; ndiani uŋgandipa mhoȿa? Tarirai, aʋo ʋose ʋacasakara seŋguʋo; ʋacadyiwa neɀipfunho.
10Ndianiko uri’po pakati penyu unotya Jehova, unoterera inzwi romuranda wake? Unofamba murima, asineciedza, ŋgaaʋimbe nezita raJehova, asendame kunaMŋari wake. 11Tarirai, imi mose, munoɓatidza mŋoto, munoɀisuŋga ɀiʋuno neɀitsiga; fambai mumuraɀo womŋoto wenyu, napakati peɀitsiga ɀamakaɓatidza. Mucapiwa iɀoɀo noruʋoko rwaŋgu, mucaʋata pasi mucitambudzika.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 50: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: