Isaya 52
52
1Muka, muka, iwe Zioni, uɀifukidze nesimba rako; fuka ŋguʋo dzako dzakaiso‐naka, iwe Jerusarema, guta dɀene; nokuti kubva ɀino hakuna‐usinokudziŋgiswa nousakanaka uŋgapinda mukati mako. 2Ɀizuze ubve muguruʋa; simuka, ugare kwaɀo, iwe Jerusarema; sunuŋgura ɀisuŋgo ɀiri pamutsipa wako, iwe mukunda weZioni wakatapxa.
3Nokuti ɀanzi naJehova: Makateŋgeswa kusinomuteŋgo; mucadzikinurwa kusinemari. 4Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ʋanhu ʋaŋgu ʋakaɓurukira Egipita kare kundogara’ko, muAsiria akaʋamanikidza pasinemhoȿa. 5Ko ɀino ndinoʋonei pano — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ʋanhu ʋaŋgu ɀaʋabviswa pasina? Ʋanoʋaɓata ʋushe ʋanopopota, zita raŋgu rinoŋgomhurwa zuʋa rose — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 6Saka ʋanhu ʋaŋgu ʋacaziʋa zita raŋgu; saka ʋacaziʋa nezuʋa iro kuti ndini iye unotaura; tarirai, ndini.
7Dzakanaka sei pamsoro pamakomo tsoka dzounoʋuya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unoʋuya namashoko akanaka eɀinhu ɀakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mŋari wako unoɓata ʋushe! 8Cinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinoɗana namanzwi, dzinoimba pamŋe cete; nokuti dzicaʋonana ɀiso ɀakatarisana, kana Jehova acidzokera Zioni. 9Pururudzai nomufaro, imbai pamŋe cete, imi matoŋgo eJerusarema; nokuti Jehova wakanyaradza ʋanhu ʋake, wakadzikinura Jerusarema. 10Jehova wakafukura ruʋoko rwake rutȿene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaʋona ruponeso rwaMŋari weɗu. 11Ibvai, ibvai, ɓuɗai ipapo, musanyaŋgata cinhu cinetȿina; ɓuɗai pakati paro; ɀinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehova. 12Nokuti hamuŋgaɓuɗi mucikurumidza, kana kuenda mucitiza; nokuti Jehova ucakutuŋgamirirai; Mŋari waIsraeri ucakurindirai mumashure.
13Tarirai, muranda waŋgu ucaita nokucenjera, ucakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwaɀo. 14Ʋazhinji seɀaʋakashamiswa pamsoro pako, (ciso cake cakaŋga cakakuʋadzwa kupfuʋura caʋamŋe ʋanhu, necimiro cake kupfuʋura caʋanakomana ʋaʋanhu), 15saiɀoɀo ucavundusa marudzi mazhinji; madzimambo acafumbira miromo yawo pamsoro pake, nokuti ʋacaʋona ɀaʋasina‐kumboʋudzwa; ʋacanzwisisa ɀaʋasino‐kumbonzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 52: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: